Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeSangano reVarairidzi reARTUZ Dzopinda muZuva rePiri Dzichiramwa Mabasa


Nhengo dzeAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ dzinoti dziri kuda kuti varairidzi vapiwe mihoro yavaitambira muna Mbudzi 2018.

Sangano revarairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti nhengo dzaro dzapinda muzuva repiri neChipiri dzichiramwa mabasa dzichida kuti hurumende idzose mihoro yaitambirwa nevarairidzi muna Gumiguru 2018.

Sangano iri rinoti zvakare riri kuda kuti varairidzi vose vachanyoresa bvunzo gore rino vabhadharwe kuita basa iri sezvo bvunzo dziri pasi peZIMSEC asi varairidzi vari pasi pePublic Service Commission.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti nhngeo dzavo dzinokwana zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana hadzina kuenda kumabasa, zvichireva kuti nhengo zvikamu makumi mana nezvipfumbamwe ndidzo chete dzaenda kumabasa.

VaMasaraure vanotiwo vari kufadzwa nerutsigiro rwavari kuwana kubva kune mamwe masangano kusanganisira asiri evarairidzi, ayo vanoti ari kutsigira danho ravo rekurwira mihoro yakaringana.

Sangano reARTUZ rine nhengo dzizere dzinodarika zviuru zvinomwe, asi VaMasaraure vanoti rine vamwe varairidzi vanodarika zviuru makumi matatu nezvishanu kana kuti 35 000 vasiri nhengo dzizere vanoritsigira.

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti bazi ravo harisi kunyanya kubatikana nekuramwa mabasa kwenhengo dzeARTUZ uku sezvo varairidzi vanodarika zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana vari kuenda kumabasa.

VaNdoro vanoti vanotokurudzira nhengo dzesangano iri kuti dziende kumabasa sevamwe varairidzi vachiti ARTUZ ine nhengo shoma kwazvo dzinongosvika mazana matatu nemakumi masere nenhanhatu chete, kana kuti 386, zvichienzaniswa nevamwe varairidzi vanosvika zviuru zana nemakumi mana nezvishanu vari kuenda kumabasa.

VaNdoro vanoti vari kukurudzira varairidzi vari kuramwa mabasa ava kuti vadzoke kubasa apo hurumende, kuburikidza negurukota idzva redzidzo yepasi, iri kutarisa zvichemo zvavo.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG