Accessibility links

Breaking News

Musangano weARTUZ muBulawayo Unobuda neZvisungo Zvishanu


VaObert Masaraure
VaObert Masaraure

Sangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ) raita neMugovera musangano nevadzidzisi muBulawayo pasi pechirongwa che ‘Safe Learning Institutions Initiative’.

Musangano uyu wapindwa nevadzidzisi vanobva kumatunhu eMatabeleland North, Matabeleland South nedunhu reBulawayo.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vaudza Studio7 kuti musangano uyu wabudirira zvikuru uye vese vange vachitarisirwa kuuya vange vari pamusangano uyu.

VaMasaraure vati paitwa zvisungo zvishanu zvinosanganisira kuudza hurumunde kuti isaine gwaro rechirongwa che ‘safe schools’ chakatenderanwa kuOslo kuNorway muna 2015.

Musangano uyu wapindwawo nemasangano eVeritas, Zimbabwe Human Rights NGO Forum, Student Christian Movement of Zimbabwe nemamwe.

VaMasaraure vanoti masangano aya achange ari kuChinhoyi svondo rinouya uko vachaita musangano nevadzidzisi vechidzimai vachitaura maonero avo uye kuti vape pfungwa dzavo pane zvavanotarisira kuti zviitwe muzvikoro kuitira kuti vaite basa ravo vakasununguka uye vasingatye.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG