Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weARTUZ, VaMasaraure, Vanopambwa Pakati peUsiku


Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers' Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vapambwa nevanhu vakapakata zvombo.
Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers' Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vapambwa nevanhu vakapakata zvombo.

Mutungamiri wesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure vanonzi vapambwa pakati peusiku nevarume vakapakata zvombo vasingazivikanwi.

Mudzimai waVaMasaraure, Amai Sabrina Kundai Masaraure, vanoti varume vatanhatu, vamwe vavo vakavhara kumeso nemachira, vasvikoputsa gedhe repamba pavo kuWaterfalls muHarare, vachibva vapinda muchivanze vachitanga zvakare kupwanya mahwindo nekurova magonhi zvine simba vachishevedza zita remurume wavo.

Amai Masaraure vanoti vazovhurira varume ava kuti vapinde mumba, umo vawana VaMasaraure vakarara vachibva vangovazvuzvurudza kubuda navo panze vachinovanda mumotokari yerudzi rweToyota Runx yanga yakamira kunze kwechivanze chavo.

Vanoti nekuda kwekuti zvose izvi zvaitika murima, havana kukwanisa kuona nhamba dzemotokari iyi, kanawo ruvara rwayo chairwo.

Amai Masaraure vanoti varume ava vati vanga vachidawo zvakare magwaro esangano rinotungamirirwa naVaMasaraure reARTUZ, uye vatora nharembozha dzose, kusiya kwekamwe kaduku, kambudzi, kavasina kuona.

Vanoti chiitiko ichi chavavhundutsa zvikuru, zvekuti vatya kubuda usiku ihwohwo kuti vanomhan’gara nyaya iyi kumapurisa.

Vanhu vakawanda vanoti vabvundutswawo nekupambwa kwaVaMasaraure uku sezvo vachine ndangariro dzekutsakatika kwemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, avo vakapambwa musi wa 09 Kurume, 2015 mumusha weGlen View muHarare.

Nhengo dzesangano reARTUZ dzanga dzichiramwa mabasa kwemazuva matatu kubva neMuvhuro kusvika nezuro Chitatu dzichida kuti hurumende itarisise zvakare nyaya yemihoro yevarairidzi.

Studio 7 yakundikana kubata mapurisa ekuWaterfalls kanawo mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe kana vaine ruzivo nezvechiitiko ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG