Accessibility links

Breaking News

ARTUZ Inoti Hurumende Irikukanganisa Vana Vechikoro Panguva Yekunyora Bvunzo


Obert Masaraure

Sangano rinomiririra varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, (ARTUZ) rashora hurumende richiti mangwana (Chishanu) harifanirwi kuve zuva rezororo, kana kuti ‘holiday’.

Mutungamiriri weARTUZ, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti vana vechikoro vari pakati pekunyora bvunzo naizvozvo hurumende yaifanira kupa vana ava mukana wekunyora bvunzo pasina zvinovakanganisa.

Vati hurumende irikushandisa vana vechikoro, varairidzi neruzhinji rwevanhu mukurwa hondo yadzo yezvematongerwo enyika.

Asi VaMasaraure vati zuva rezororo izuva rezororo kuvanhu vose, kusanganisira varairidzi avo vavanoti vanofanirwa kubhadharwa mari inoenderana nekushanda pazuva rezororo sezvinodiwa nebumbiro remutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG