Accessibility links

Breaking News

Munyori Aive neMukurumbira, VaStephen Chifunyise, Vanoradzikwa muHarare


Munyori uye vaive nyanzvi mune zvedzidzo, VaStephen Chifunyise vari kugungano reZimbabwe International Book Fair. VaChifunyise vakashaya nemusi weMuvhuro, uye varadzikwa muHarare neChishanu.
Munyori uye vaive nyanzvi mune zvedzidzo, VaStephen Chifunyise vari kugungano reZimbabwe International Book Fair. VaChifunyise vakashaya nemusi weMuvhuro, uye varadzikwa muHarare neChishanu.

Munyori aive nemukumbira munyaya dzemitambo, VaStephen Chifunyisa, varadzikwa nhasi kumarinda eGreendale muHarare zvichitevera kushaya kwavo nemusi weMuvhuro mushure mekunetseka nechirwere chegomarara.

Hurumende yabatsira nekuvigwa kwaVaChifunyise, avo vanga vava nemakore makumi manomwe ekuberekwa.

VaChifunyise vakashanda muhurumende kwenguva yakareba, vakamboshanda semunyori mubazi rezvedzidzo netsika.

Vakawanda vanovarangarira nebasa ravakaita mukuumbwa kwechikwata chevatambi vemitambo vechidiki, cheChildren's Performing Arts Workshop, kana kuti Chepawo.

Chirongwa ichi chakaona vechidiki vakawanda vachipinda munyaya dzemitambo.

Vataura vakamirira mhuri, VaDennis Langton Chifunyise, vanoti semhuri vanotenda zvikuru nerubatsiro rwavawana kubva kuhurumende pamwe nekuhama neshamwari pasi rose.

VaDennis Chifunyise vanoti semhuri, varadzika muti wanga uchivapa mumvuri pamwe nemichero, uyo vasingakwanise kutsiva.

VaChifunyise vakasiya vana vatatu vavakaita nemudzimai wavo wekutanga, Amai Tisa Chifunyise, avo vakashaya muna2004, kunyange hazvo vanga vaine vana vakawanda vekumhuri yavo pamwe nedzimwe mhuri vavanga vachibatsira.

VasChifunyise vasiyawo mudzimai, Amai Pillipa Chifunyise, avo muchakabvu akaroora muna 2016.

Hurukuro naVaDennis Langton Chifunyise
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG