Accessibility links

Breaking News

Vanoita zveMitambo Vochema neMari Shoma Yavari Kupihwa Kuti Vabatsirikane


Kirsty Coventry
Kirsty Coventry

Vatambi vemitambo yakasiyana nevaimbi vanoti mari dzavari kupihwa kuitira kuti vabatsirikane munguva ino yeCovid-19, nokudaro hurumende inofanirwa kuvabvumidza kuti vaite mabasa avo anovanisa mari inoita kuti vararame zvakanaka.

Vachitaura pakuparurwa kwehomwe yemamiriyoni makumi maviri emadhora emunyika muChinhoyi negurukota rinoona nevechidiki, mitambo netsika Muzvare Kirsty Coventry, vaimbi ava vati kunyange vachitenda zviri kuitwa nehurumende kuvayamura, mari dzavari kupihwa kumatunhu ishoma zvikuru.

Mutambi kana muimbi anenge agutsa vari kusarudza anopihwa mari inoita madhora zviuru zvishanu zvemaRTGS, asi kana riri boka revanhu, rinopihwa madhora zviuru zvinomwe nechidimbu, kana kuti ZW$7,500.00.

Mumwe mumhanyi, Memory Beremauro, uyo ati ayirarama nekumhanya mijaho mirefu, ati mari iyi ishoma nekudaro inofanirwa kupihwa pamwedzi wega wega kwete kamwechete sezviri kuitwa.

Mumwe muimbi, Brian Tsoto, uyo anorarama nekuimba munzvimbo dzekutandarira dzakavharwa nekuda kwechirwere cheCovid-19, ati mari dzavari kupihwa dzinofanirwa kuuya nenguva sezvo vave kufa nenzara.

MuzvareCoventry vabvuma kuti mari dziri kupihwa ishoma asi vati zviri nani nekuti ane ganda ane nyama hazvienzani neasina.

Mumwe mukuru mubazi rezvemitambo, Amai Hilda Garisa, vati mari iyi iri kupihwa kumapoka matatu anoti avo vanotamba zvekumiririra nyika zvakafanana nekuenda kumitambo yekunze kwenyika kwakaita sekuma Olympics, kozoti avo vanotamba mitambo yemudunhu renyikka
dzakatipoteredza pamwe nevanotambira mukati menyika mumatunhu.

Gurukota reMashonaland West, Amai Mary Mliswa-Chikoka, vakayambira vose vakapihwa mari kuti vashandise mari iyi zvine hungwaru kwete kuipedzera mune zvinodhaka.

Mudunhu reMashonaland West vanhu vakanyoresa kupihwa mari vanosvika mazana matatu nevaviri, kana kuti 302 asi vakawana mari iyi vanosvika zana nemakumi mana nevashanu chete nekuda kwekuti vakawanda vaitadza kunyora magwaro zvakanaka anoita kuti vanhu vapihwe mari.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG