Accessibility links

Breaking News

General Chiwenga Vanoti Kudzingana Kuri Kuitika muZanu PF Ngakumiswe


General Constantine Chiwenga
General Constantine Chiwenga

Mukuru wemauto munyika, VaConstantine Chiwenga, vanoti kudzingana kuri kuitika muZanu PF kunofanirwa kumiswa zvachose sezvo kusina kunakira nyika.

Vachitaura nevatori venhau muHarare kumuzinda wemauto ku KG VI, VaChiwenga vati izvi zvikasamiswa mauto achapindira mukuona kuti vari kukonzeresa nyonga nyonga iyi muZanu PF, vatorerwa matanho akaomarara.

VaChiwenga vati muZanu PF mune vanhu vari kukonzeresa kusagadzikana, avo vari kunanga vanhu vane nhoroondo yehondo. Vati mauto haasi kuzoisa maoko muhomwe zvinhu zvchishata munyika nemubato reZanu PF.

VaChiwenga vati vanhu vari kukonzeresa mutauro muZanu PF vanhu vasina nhoroondo yehondo.

Mashoko aVaChiwenga anouya mazuva mashoma zvichitevera kudzingwa muhurumende nemubato kwakaitwa VaEmmerson Mnangagwa vachipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaChiwenga vatiwo munyika mune munhu mumwe chete ane masimba akakapihwa nebumbiro remitemo yenyika, anova mutungamiri wenyika, kwete munhu wese angomuka achitora masimba aya.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, vanoshanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica vati zviri kuitwa naVaChiwenga zvekuda kupindira munyaya dzeZanu-PF hazvisi pamutemo.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudza Studio 7 kuti havana kunge vanzwa zvataurwa naVaChiwenga asi vakati kana vataura zvavataura nyaya inenge yotoda kuti VaMugabe mbune vapindure.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG