Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kugadzirisa Zvakamboita Kuti Zvirango Zvidzikwe


Munyori wezvemutemo muZanu PF, VaMunyaradzo Paul Mangwana.
Munyori wezvemutemo muZanu PF, VaMunyaradzo Paul Mangwana.

Vamwe vakuru muhurumende pamwe nemakambani anodyidzana nayo vakatemerwa zvirango mushure mekutyora kodzero dzevanhu, kusaremekedza zvivakwa zvevanhu, uye kugadziridza hupfumi hwenyika.

Zvirango izvi zviri kunzi nehurumende zviri kuremera vana veZimbabwe zvakanyanya, zvekuti kuramba kwazvo zviripo hakuna kusiyana nekutongera munhu rufu, nekudaro zvinofanirwa kubviswa nekukasika.

Munyori anoona nezvemutemo mubato riri kutonga reZanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti hurumende yavo yakafadzwa zvikuru nechidanho chakatorwa neSADC chekukurudzira kuti zvirango zvibvise sezvo zvarwadza vana veZimbabwe.

VaMangwana vanoti Zimbabwe yakaita sarudzo dzakachena dzakarumbidzwa nevakawanda, kunyange hazvo paine zvishoma zvakanzi zvinoda kuzogadziriswa.

Vanoti nyaya hombe yakaita kuti nyika itemerwe zvirango haisi yekutyorwa kwekodzero dzevanhu sezvinotaurwa, asi kuti inyaya yekutorwa kweminda kuvachena ichipiwa vatema.

VaMangagwa vanoti hapana chavanofanirwa kunzi nenyika dzekumawirira idzi vagadzirise, kunze kwekungoti nyika idzi dziri kuda kungoti Zanu PF ibviswe pamasimba ekutonga.

Bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa ragarawo richiti Zimbabwe haina zvirango zvinganzi zviri kuomesera nyika, asi kuti kutadza kutonga kweZanu PF ndiko kwaita kuti nyika iite seyakageza negoka munyama.

Munyori anoona nezvesarudzo muMDC, VaJacob Mafume, vanoti zvirango zviri munyika zvakatopiwa kuvana veZimbabwe nehurumende yeZanu PF kuburikidza nehuwori pamwe nekutyora kodzero dzevanhu.

Izvi zvinotsigirwawo negweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, avo vanoti hurumende yeZimbabwe haisati yasvika pachinhanho chinoita kuti zvirango zvibviswe, sezvo ichiri kuramba ichityora kodzero dzevanhu.

Kufora kuri kuitwa musi weChishanu hakusi kwekutanga kuitwa munyika panhau yezvirango iyi.

Muna 2011 zviuru nezviuru zvevanhu zvakaungana muHarare pakaparurwa nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe chirongwa chekuti zvirango zvibviswe, paine chinangwa chekuunganidza masiginecha anosvika mamiriyoni maviri.

Masiginicha aya ainzi aizosvitswa kunyika dzekumawirira dzakatemera vamwe muhurumende zvirango, izvo zvinonzi nehurumende ndizvo zviri kukonzera kutambura kweveruzhinji munyika.

Gore rapera masangano anoti reZimbabwe National Elders Forum nereFaith for the Nation Campaign akabatana mukukurudzira hurumende yeAmerica pamwe neEuropean Union kuti vabvise zvirango zvinonzi vakatemera hurumende yeZimbabwe izvi.

Masangano maviri aya akaparurawo chirongwa chekuunganidza masiginecha anosvika miriyni imwe chete evanhu vanoshoropodza zvirango.

America yakadzika mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act (ZIDERA) muna 2001, ukuwo European Union ichidzikawo zvirango muna 2002 zvakanangana nevamwe muhurumende yevaive mutungamiri wenyika VaMugabe.

Zvirango izvi zvairambidza vanhu ava kufamba, pamwe nekuvavharira mari dzavo dzaive mumabhanga ekunze kwenyika uyewo zvaibata makambani aidyidzana nehurumende.

Chasara kuonekwa ndechekuti kufora kuri kutungamirwa neSADC uku kuchaburitsa chimuko here kana kuti kwete, uye kuti vakadzika zvirango ava vachangoramba vakaisa zvimiti munzeve here?

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG