Accessibility links

Breaking News

VaPsychology Maziwisa Vanosungwa neNyaya dzeHuwori kuZESA


Kambani yeZESA inonzi yakarasikirwa nemari yakawanda kuburikidza nehuwori
Kambani yeZESA inonzi yakarasikirwa nemari yakawanda kuburikidza nehuwori

Zimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, inosunga mumiriri weHighfield West muparamende uye vari nhengo yeZanu PF, VaPsychology Maziwisa nenyaya dzine chekuita nehuwori kukambani yemhando dzemoto yeZESA.

Mumwe komishina weZACC, VaGoodson Nguni, nezuro usiku vakaudza Studio 7 kuti VaMaziwisa vakasungwa pamwechete nemumwe wavo mukambani yavo yekushambadzana, yeFruitful Communications, uye ari mushandi weZBC, Oscar Pambuka.

VaNguni vakati vaviri ava varara kukamba yemapurisa yeAvondale Police Station, uye VaNguni vakati vaviri ava vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare.

Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekukama kambani yemhando dzemoto iyi zviuru zvemadhora kuburikidza nemari dzinonzi dzaibhadharwa kukambani yavo neZESA zvine huwori mukati.

Nhengo yesangano reZimbabwe Citizens Initiative, VaPromise Sande vanoti vanotambira nerufaro danho riri kutorwa neZACC iri, kunyange hazvo vari kuti panofanirwa kunge pachisungwa munhu wese, kusanganisira vari muhurumende, kwete kungosunga vanofungidzirwa kuti ndeve kuchikwata cheG40 chete.

Vaive gurukota rezvemhando dzemoto, VaSamuel Undenge vakatosungwa vakamiswa pamberi pedare nenyaya dzine chekuita nehuwori hunonzi hwaiitika muZESA.

Hurukuro naVaPromise Sande
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG