Accessibility links

Breaking News

ZACC Yowongorora Mawanirwo Akaitwa Degree NaAmai Mugabe?


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Komishini yeZimabwe Anti Corruption Commission, inonzi iri kuferefeta ‘doctorate degree’ rakapiwa vaive mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, neUniversity of Zimbabwe makore matatu apfuura.

Izvi zvinotevera tsamba inonzi yakanyorerwa ZACC nevamwe vadzidzisi vepachikoro chepamusorosoro ichi vachinyunyuta nemawanirwo anonzi akaitwa degree iri naAmai Mugabe, ayo vanoti ane huwori mukati.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano reProgressive Teachers Union Of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti izvi ndizvo zvimwe zvezvikonzero zvinoita kuti vamwe vanhu varambe kuti vatungamiri venyika vaite vakuru vema university, kana kuti chancellor.

“Senyika, tinofanira kuti ma universities senzvimbo inopakura ruzivo, asiyaniswe kubva kune zvematongerwo enyika. Vakuru venyika vanofanira kuti vazvirumure kubva pakuti ndivo ma chancellor ema universities.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG