Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Gurukota rezveKutakurwa kweZvinhu, VaJorum Gumbo, Vanosungwa neZACC


Gurukota muhofisi yemutungamiri wenyika, uye vaimbove gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJorum Gumbo.

Vaimbove gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJorum Gumbo, avo vave gurukota muhofisi yemutungamiri wenyika, vasungwa neZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, vachipomerwa mhosva yekuita zvehuwori pavaive gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu.

Sachigaro veZACC, Justice Loice Matanda-Moyo, vatenda kuti komisheni yavo yamboshevedza VaGumbo kuti vabvunzurudzwe uye kuti vape divi ravo panyaya dzavari kupomerwa idzi.

"Vasungwa zvavo asi vachiri kutorwa ma warned and cautioned statement, vozoendwa navo ku court."

Justice Matanda-Moyo vanoti VaGumbo vari kupomerwa mhosva yekuita zvehuwori kukambani yendege yeAir Zimbabwe kuburikidza nekutengwa kwendege ina dzerudzi rweBoeing 777 kuMalaysia.

Ndege idzi dzakatengwa munguva yehutongo hwevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Justice Matanda-Moyo vanoti dzimwe mhosva dziri kupomerwa VaGumbo dzinosanganisira yekudzora pabasa mumwe aive mukuru wekambani yeCMED, kunyange hazvo akanga awanikwa aine mhosva nematare edzimhosva.

Dzimwe mhosva dzinosanganisira yekushandisa imba yehama yavo kuyiita muzinda wemahofisi eAir Zimbabwe, pamwe nekusashandisa mari yehurumende zvasina kujeka.

Justice Matanda-Moyo vanoti VaGumbo vanotarisirwa kumiswa pamberi pedare neChipiri.

"Hativaisi mumaoko emapurisa Aiwa. Vanotori mumaoko eZACC, kusvika taenda kudare, tozonovaisa mumaoko ema prosecutor. Kana tichida kuti varare ku police station tinotsvaga police station yatinotaura nayo kuti vararewo vari ku police station iyoyo, asi vanenge vangori mumaoko eZACC," Justice Matanda-Moyo vanodaro.

Gweta riri kumirira VaGumbo, VaSelby Hwacha vaudza Studio 7 parunhare kuti vaGumbo Havana kusungwa kwete, asi kuti vangoenda kuZACC kunopa divi ravo panyaya yavari kupomerwa.

VaHwacha, avo varamba kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi vachiti vanosungwa nemutemo wekudzivirira vavanomirira, vati VaGumbo varegwa vachienda kumba kwavo, uye zvinozotevera Havana ruzivo nazvo.

Justice Matanda-Moyo vanoti vanhu vakawanda vave kusununguka kumhan'gara huwori hwavanoona kukomisheni yavo, asi vachakasungwa nenyaya yekuti hapasati pave nemutemo unochengetedza vafakazi pamwe nevanoruma nzeve ZACC, izvo vanoti zvinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti vanhu vasununguke kubatsira komisheni inorwisana nehuwori iyi.

Hurukuro naJustice Loice Matanda-Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG