Accessibility links

Breaking News

VaMutinhiri Vanobuda muZanu PF Vachinoumba Bato Idzva


VaAmbrose Mutinhiri

Rimwezve bato rezvamatongerwo enyika richaparurwa zviri pamutemo svondo rinouya.

Bato iri, rinozviti National Patriotic Front, NPF, richatungamirirwa nevaimbove gurukota muhurumende yaVaRobert Mugabe.

Retired Brigadier Ambrose Mutinhiri vanga vari mumiriri weZanu PF kuMaronderwa West, asi vakazivisa neChishanu kuti vabuda muZanu PF vachiti havawirirani nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, iyo yakabatsirwa nemauto kuenda panyanga.

Mutauriri webato iri, VaJealousy Mawarire, vanoti bato ravo richabudisa mazita avakuru vakuru varo panoparurwa bato iri zviripamutemo.

VaMawarire vaudza Studio7 kuti vatsigiri vavo vanoita mamirioni mashoma evanhu.

VaMutinhiri vanoti vakasangana neVaMugabe neSvondo vachivazivisa nezvebatoi ravo idzva.

VaMawarire vanoti VaMugabe vakaratidza kutsigira danho rakatorwa naVaMutinhiri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG