Accessibility links

Breaking News

Minda neHurombo Zvokurukurwa Mumusangano Uri Kukokerwa neWorld Bank muWashington


VaFarai Shone Mutondoro, veTransparency International Zimbabwe.

Bhanga repasi pose, reWorld Bank, riri kukokera misangano yekuzeya nyaya yeminda nehurombo pasi rose.

Misangano iyi iri kuitwa kwesvondo rose muWashington D.C, uye iri kupindwa nenyanzvi dzakasiyana siyana.

Nyanzvi dziri kupinda mumisangano iyi dziri kupa humbowo hweuori munyaya dzevhu nemagariro evanhu.

Vanoona nezvezvirongwa musangano reTransparency International Zimbabwe, VaFarai Mutondoro, vanoti huori munyaya dzevhu hunokonzera kutambudzika zvikuru kumadzimai nevana avo vanenge vachigara mudzimba dzakavakwa zvisiri pamutemo dzinozonzi dziputswe.

“Mukatarisa maguta, vari kumhanya nechinangwa chekuti guta rese rese rive rakafanana nemamwe maguta epasi pose. Saka kuti guta rive guta rakarongeka kuti mvura inosvika kwese, vanhu vanochengetedza matoro, ayo anonzi ma ‘wetlands’ kunge vnhu vachiremekedza mitemo yekuvakwa nekurongwa kwemaguta. Asi kana vanhu vakaopiwa ivhu zvineuwori mukati takaona vanhu vavekuvaka mumatoro anofanira kuchengetedzwa,” VaMutondoro vakaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG