Accessibility links

Breaking News

Mabhishopi eKereke yeAnglican Anotsigira Gwaro Rakanyorwa neMabhishopi eKereke yeCatholic


Bible.
Bible.

Sangano remabhishopi ekereke yeAnglican, reAnglican Council of Zimbabwe, rabudisa gwaro richitsigira gwaro rakabudiswa svondo rapfuura nesangano remabhishopi ekereke yeRoman Catholic, re Zimbabwe Catholic Bishops Conference (ZCBC), rakange richishora hurumende, richiti kodzero dzevanhu dziri kutyorwa uye vanhu vari kumbunyikidzwa zvikuru.

Gwaro iri rakakonzera mutauro mukuru munyika nekunze.

Hurumende yakapindura ichiramba mashoko akange ari mugwaro reZCBC, ichiti zvese ndezvemanyepo zviri mugwaro iri.

Gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakasvika pakushandisa mashoko ekushora nhengo dzeZCBC izvo zvakakonzerawo kuti vashorwe zvakanyanya.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati vemakereke vanoda kuita zvematongerwo enyika vanogona kuumba bato ravo vokwikwidzavo musarudzo.

Mugwaro iri, Anglican Council of Zimbabwe (ACZ) inotsigira nekubvumirana nemashoko akataurwa nemabhishopi eZCBC pamusoro pemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Gwaro iri rakasainwa nasachigaro veACZ, Bishop Ignatios Makumbe, Bishop Godfrey Taonezvi vedunhu reMasvingo, Bishop Cleophas Lunga, (Matabeleland), Bishop Erick Ruwona (Manicaland), naBishop Farai Mutamiri (Harare).

Mabhishopi aya anoti haasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika uye anoshora zvikuru mhinduro yakabva kuhurumende, achiti mhinduro yehurumende haina zvainobatsira kunzwe kwekudzosera zvinhu shure.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti vemakereke havana chavanoda kuhurumende kunze kwekuregwa vachiita basa ravo munyika.

VaNgwenya vanotiwo mabasa evemakereke anoonekwa muhuwandu hwezvikoro, zvipatara, nzvimbo dzekuchengeta nherera nezvimwe zvaanoitira vanhu vakawanda munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG