Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe neBotswana Dzoita Mushandira Pamwe paCovid-19


Foreign Minister Fredrick Shava
Foreign Minister Fredrick Shava

Zimbabwe neBotswana dzakaita chibvumirano chekubairana nhomba yeCovid-19 zvizvarwa zvadzo zvinogara munyika mbiri idzi.

Izvi zvakaziviswa negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, avo vakati danho iri rakatorwa nokuti chara chimwe hachitswanyi inda.

VaShava, avo vari murwendo rwemazuva matatu ekubvakachira nyika nhatu dzinoti South Africa, Botswana neNamibia, vakati hurongwa uhu hwakabvumiranwa mumusangano wavakaita negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBotswana, VaLemogang Kwape.

Kuburikidza nehurongwa uhu, VaShava vakati nyika mbiri idzi dziri kutarisira kusvika pachinhanho chekuti kupararira kwedenda iri kuve kushoma nekukurumidza.

Vakatiwo kana nyika mbiri idzi dzikakwanisa kuderedza kupararira kweCOVID-19, musangano wechitatu weZimbabwe/Botswana Bi-National Commission uri kutarisirwa kuitirwa mudhorobha reVictoria Falls mumwedzi mishomanini iri kutevera.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende yeBotswana panyaya iyi nokuti VaKwape vanga vasingabatike panharembozha yavo sezvo vari murwendo rwekubvakachira Lesotho.

Nyanzwi munyaya dzehutano uye vari chiremba pachipatara chikuru cheNyangabgwe Referral Hospital mudhorobha reFrancistown, VaTarisai Garanevako vaudza Studio7 kuti Zimbabwe ndiyo ichakohwa pahombe kuburikidza nechibvumirano ichi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinorarama nekutenga nekutengesa mudhorobha reGaborone, Muzvare Florence Manzungu, vagamuchira hurongwa uhu vachiti COVID-19 inotoda kuisa misoro pamwe chete.

Pari zvino, Botswana yabaya nhomba vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu ruzhinji rwavo vari vashandi vezvehutano, mapurisa, masoja nevebazi rinoona nekupinda nekubuda kwevanhu munyika.

Nyika iyi ine vanhu vanodarikazviurumakumimashanu nemazabna masere vabatwa neCovid-19,uye vafa nechirwere ichi vari mazana manomwe nemakumi manomwe nevana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG