Accessibility links

Breaking News

Zacc Inoti Haisi Kufara neMachuchisirwo Ari Kuitwa Vanhu Vainenge Yasunga


ZACC Chairperson Justice Loice Matanda Moyo
ZACC Chairperson Justice Loice Matanda Moyo

Sachigaro veZimbabwe Anti-Corruption Commission, Amai Loice Matanda Moyo, vanoti komisheni yavo iri kushishikana zvikuru nenyaya yekuti vakuru vakuru vari kupomerwa nyaya dzehuwori vavanosungwa, vari kuburitswa muhusungwa pasina zvavaitwa.

Vachitaura pakuparurwa kwemagwaro eTransparency International Zimbabwe anoona nezvehuori, Amai Matanda Moyo vati nyaya iyi iri kuvanetsa zvikuru asi vakati vari kushanda nesangano reNational Prosecuting Authority kugadzirisa dambudziko iri.

Asi vati kunyange hazvo vasiri kufara nezviri kuitika vari kuita basa ravo nemazvo uye pari zvino vasunga vanhu vakawanda vari kupomerwa nyaya dzehuwori uye vave kutoshaya nzvimbo yekuchengetera zvinhu zvakatorwa kune vanhu vaiita huwori.

Vati komisheni yavo iri kuendeerera mberi nekudzidzisa vanhu pamsuro pekuipa kwehuwori uye tarisiro yavo ndeyekuti paramende ichagadzira mitemo inoita kuti vakwanise kuita basa ravo pasina zvinovakanganisa.

Mukuru weTransparency International Zimbabwe, Amai Muchaneta Mundopa, vatiwo kunyange hazvo vari kufara kuti komisheni iyi yakasunga vanhu, vamwe vanhu vanonzi vakaita huwori hunotyisa, havasiwo kufara nenyaya kuti nyaya idzi hadzina kwadzinoenda.

Vamwe vanhu vakasungwa neZacc zvikaita mutauro munyika vanosanganisira vaimbove makurukota ehurumende, Amai Prisca Mupfumira, VaIgnatius Chombo pamwe nevaimbove mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaPhelekezela Mphoko.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vakazvimirira, Doctor Wellingtomn Gadzikwa, vati kuchema chema kuri kuita Amai Matanda Moyo nekomisheni yavo kunoratidza kuti ndivo vari kutadza basa.

Zvichakadai, Amai Matanda Moyo, vati Zimbabwe iri kurasikirwa nebhiriyoni nemazana masere ezviuru zvemadhora pagore nekuda kwevanhu vasingadi kubhadhara mitero.

Vatiwo komisheni yavo iri kuedza pese painogona napo kusunga vese vanotadza kana kuti vasingade kubhadhara mitero.

Magwaro aburitswa nhasi anoratidza kuti vakadzi ndivo vanonyanyobatwa batwa nehuwori apo vanenge vachishingaira kuriritira mhuri dzavo.

Magwaro aya anotiwo anoona mapurisa ndiwo ari pamusoro panyaya dzehuwori achiteverwa nemahofisi a Registrar-General anopa mapasipoti nezvitupa nemagwaro ekuzvarwa.

Mumitsetse yemafuta emotokari ndimo munonzi munoitika huwori hunotyisa .

Zvinonziwo vanopinza vanhu mabasa pamakambani kana kuti Human Resources Officers ndiwo vamwewo vane huwori hwakanyanya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG