Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi Dzoshora Kutsemuka nePakati Kwaita MDC-T


Khupe vs Chamisa

MDC-T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe yaita kongiresi yayo yechimbi chimbi muBulawayo ikasarudza vatungamiri vebato iri.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti izvi zvadzikisa huremu hwemapato anopikisa apo sarudzo dzasarirwa nemwedzi mishoma kuti iitwe.

Dewa Mavhinga
Dewa Mavhinga

Imwe yenyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti MDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa neMDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe dzaifanirwa kunge dzakaita kongiresi imwe chete kuitira kuti vanhu vasarudze mutungamiri wavanoda vari pamwe chete.

VaMavhinga vanoti zviri kuitika muMDC-T hazvina kunaka munguva iyo nyika yakatarisana nesarudzo.

“Bumbiro remutemo wenyika rinobvumidza vanhu vada pachavo kuti vaungane pamadiro avo vachiita zvavanoda kusanganisira zvematongerwo enyika. Zvinhu zvakanaka kana Muzvare Khupe vaungana nevamwe vavo asi kana tichiona nhorowondo yekwatabva kuti tizosvika patiri apa, tinoona kuti pane dambudziko guru. Munongedzo uri pachena ikozvino wekongiresi yaitwa nhasi wekupatsanuka kana kutsemuka nepakati kwemusangano unopikisa mukuru weMDC-T. Ndizvo zviri pachena zvaitika izvozvo.

“Saka zvinoratidza kuti mapato anopikisa ari kuramba achiita zinyeke nyeke nokuti hapana kubatana,” vatsanangudza VaMavhinga.

Dzimwe nyanzvi dzinotiwo kunyange hazvo VaChamisa vachiratidza kutsigirwa nevanhu vakawanda kudarika Muzvare Khupe, vanofanirwa kugara pasi vobatana naMuzvare Khupe vowirirana kuti vapinde musarudzo vakabatana izvo zvinozoita kuti MDC-T ikunde Zanu nPF musarudzo.

Thokozani Khupe
Thokozani Khupe

Nyanzvi idzi dzinoti VaChamisa vanofanirwa kuona kuti MDC yakasimba kudarika zvayanga yakaita mutungamiri webato iri wekutanga achiri mupenyu, VaMorgan Tsvangirai.

Dzinoti zviri pachena kuti kupatsanuka kwaita bato kunoreva kuti VaChamisa vane vatsigiri vashoma veMDC-T zvichienzaniswa nevatsigiri vamuchakabvu Tsvangirai.

Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Nehuwandu hwavanhu vaitsigira VaTsvangirai, avo vakatadza kukunda Zanu PF musarudzo dza 2013, vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti zviri kuitika muMDC-T zvinosiya bato iri risina mukana wekukunda Zanu PF sezvo mavhoti eMDC-T achange akapatsanuka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG