Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzeMatongerwo eNyika Dzoshora Mafambisirwo Akaitwa Sarudzo


VaDewa Mavhinga
VaDewa Mavhinga

Zimbabwe Electoral Commission, Zec, inoti mutungamiri weZanu-PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiriri wenyika.

Zec inoti VaMnangagwa vakakunda mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, nemavhoti akakwana zvekuti hapana sarudzo yemutungamiri wenyika inodzokororwa.

Asi pane kusagutsikana kukuru mune vakawanda nekwavanoti kubatwa kwakaitwa sarudzo idzi nezvakabuda madziri neZec.

Vakange vapinda munyika kuzoongorora sarudzo idzi vachibva kune dzimwe nyika havasi kuwirirana pamaonero avanoita sarudzo idzi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDehwa Mavhinga, vanoti vakagara vataura kuti pane zvizhinji zvaifanira kugadziriswa sarudzo idzi dzisati dzaitwa.

“Zviri pachena kuti zvataitaura zvakabudawo muongororo dzakaitwa nevamwe vakabva kune dzimwe nyika avo vakati pane matambudziko akati wandeyi mukati memaitirwo esarudzo muZimbabwe, zvinosanganisira kuti vatapi venhau vanoshandira masangano ehurumende akaita seZBC neHerald havana kumira pachokwadi. Vakarerekera zviri pachena kubato reZanu-PF,” VaMavhinga vanodaro

VaMavhinga vanoti imwe nyaya yaifanirwa kutariswa ndeyemadzishe anoregwa achiita zvematongero enyika uye vachityityidzira vanhu nekuvamanikidza kuvhotera vanhu vavasingadi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG