Accessibility links

Breaking News

VaCharumbira Vanoti Democratic Party Iri Kuita Rusarura Pana VaButtigieg naVaSanders


Democratic presidential candidates former South Bend Mayor Pete Buttigieg and Sen. Bernie Sanders, I-Vt., shake hands on stage Friday, Feb. 7, 2020, before the start of a Democratic presidential primary debate hosted by ABC News, Apple News, and…
Democratic presidential candidates former South Bend Mayor Pete Buttigieg and Sen. Bernie Sanders, I-Vt., shake hands on stage Friday, Feb. 7, 2020, before the start of a Democratic presidential primary debate hosted by ABC News, Apple News, and…

Panguva iyo sarudzo dzekutsvaga munhu achamirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri weAmerica dzava kutsiriridza, mumwe muongorori wezvematongerwo enyika uye vari sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America Province, VaRegis Charumbira, vanoti sarudzo dzebato iri hadzisi kufamba zvakanaka sezvinotarisirwa nguva dzose nevakawanda.

VaCharumbira, avo vanagara kuAberta kuCanada, vanoti zviri kubuda pachena musarudzo idzi ndezvekuti vamwe vakuru vakuru muDemocratic Party havasi kuda vamwe vanhu vari kudiwa neveruzhinji vari kuratidza kuti vari kukwikwidza zvine mutsindo.

VaCharumbira vanoti zvakaitika kuIowa zvinoburitsa pachena kuti pane makakatanwa mubato iri sezvo veruzhinji vari kuratidza kuti vanotsigira VaPete Buttigieg naVaBernie Sanders, avo vavanoti vanenge vasiri kufarirwa nevakuru vakuru muDemocratic Party.

Zvisineyi nezviri kuitika mubato iri, VaCharumbira vanoti mapato ezvematongerwo enyika muZimbabwe ane zvakawanda zvaanogona kudzidza kubva kurunyararo rwunoitika musarudzo dzemuAmerica.

Mashoko aVaCharumbira anouya panguva iyo Democratic Party yatarisana nezuva guru rinozovikanwa nekuti Super Tuesday, apo matunhu gumi nemana achange achisarudza munhu anofanirwa kumirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika.

Sarudzo idzi dziri kuitwa nemusi weChipiri svondo rinouya, Kurume 3.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG