Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti VaMugabe Vakazvisikira Moto Muziso


General Constantine Chiwenga
General Constantine Chiwenga

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, semunhu mukuru, vangadai vakasiya basa kare uye dai hutongo hwavo hwaive hwakanaka, vangadai vasiri mumatambudziko avari pari zvino.

Nyanzvi idzi dzinoti kunyange dai VaMugabe vasina kubviswa pachigaro nemauto, ivo pachavo vava mutano anofanira kunge ava pamudyandingere.

Dzinotiwo hutongo hwavo pamwe nemaitiro emudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, ndiwo avasvitsa pavari nhasi.

Nyanzvi inoshanda neZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vaudza Studio7 kuti VaMugabe vasvika pavari nekuti vakatadza kuita zvinotarisirwa nevanhu vakura saivo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaVivid Gwede, vaudza Studio7 kuti VaMugabe vapinda mumadhaka nekuda kwehutongo hwavo hwehumbimbindoga.

Vatiwo nyaya yekutadza kuraira mudzimai wavo ndiyo imwewo yaita kuti vapandukirwe nevamwe vavo vemuchiuto.

VaGwede vatiwo vatungamiriri vanotonga zvakanaka havasangani nematambudziko seaVaMugabe nekuti vanosiya zvigaro vachadiwa.

Vamwewo vanoongorora zvematongerwo enyika, VaMasimba Kuchera, vanotiwo kunyange hazvo VaMugabe vange vari kudiwa mubato ravo reZanu PF, vakamukirwa nekuti vakatadza kugadzirisa zvikwata zvairwisana mubato iri.

Mubato iri mange mave nekurwisana pakati pechikwata cheTeam Lacoste chinotsigira vakadzingwa basa semutevdzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nechimwe cheG40 icho china Amai Mugabe, VaSavior Kasukuwere, naVaJonathan Moyo.

Vose vanhu ava vakachengetedzwa nemauto pari zvino kudzamara VaMugabe vabvume kusiya basa sezviri kuidiwa nemauto akarerekera kubato reZanu PF.

VaKuchera vanoti nyaya yekutsigira chikwata chavo vachidzinga nhengo dzeLacoste ndizvo zvaita kuti vabvutirwe masimba nemauto.

Vatiwo dai hutongo hwavo hwange hwakanaka vaifanira kusiya basa vega kwete kutandaniswa.

Mutungamiri werimwe bato rinopikisa, VaElasto Chikanga, vatiwo dai hutongo hwaVaMugabe dai hwange hwakanaka mauto angadai asina kubvuta masimba

Vamwewo vataura neStudio 7 vati mauto asvika pakutora masimba nekuti VaMugabe vakavhara nzira dzese dzingashandiswe kutora masimba uye iyi ndiyo nzira yega yange yasara.

Vati VaMugabe vakanganisa zvikuru nhoroondo yavo semurwiri wehondo yerusununguko pamwe nemutungamiri akatora nguva yakareba ari pachigaro.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG