Accessibility links

Breaking News

Sangano reAmnesty International muZimbabwe Ropomerwa Mhosva yeKusashandisa Mari Zvakanaka


Sangano reAmnesty International rinoti mari haina kubatwa zvakanaka nevamiriri varo muZimbabwe.
Sangano reAmnesty International rinoti mari haina kubatwa zvakanaka nevamiriri varo muZimbabwe.

Sangano rinorwirwa kodzero dzevanhu pasi rose, reAmnesty International, rinoti wongororo yemabhuku aro emari akaitwa kuchikamu chesangano iri muZimbabwe inoratidza kuti sangano iri rakarasikirwa nemamirioni mazhinji emadhora kuburikidza nehuwori pamwe nekusashandiswa kwemari zvakanaka.

Amnesty International inoti vashandi vayo havana kubata mari zvakanaka uye vamwe vakashandisa mari zvisina kufanira, vamwe vakatora mari zvisiri pamutemo.

Vanoona nezvekubudiswa kwamashoko musangano iri kuchamhembe kwe Africa, VaRobert Shivambu, vaudza Studio 7 vari kuSouth Africa kuti havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi nekuti zvingakanganisa nyaya yavo kumatare edzimhosva kwavakaiendesa.

Gore rakapera, bazi reAmerica rezvekudyina nedzimwe nyika rakamisa kubatsira nemari masangano mazhinji akazvimiririra emuZimbabwe richiti masangano aya ange asingatevedzeri nzira dzinodiwa mukushandiswa kwemari yadzaivapa.

Amnesty International inoti nyaya iyi inobata mukuru wesangano iri muZimbabwe, VaCousin Zilala, avo vakatosiya basa, pamwe nasachigaro wesangano iri, VaTakesure Musiyiwa.

Vanoona nezvemari musangano iri, Amai Sibongile Zimbeva, vakambomiswawo basa vachipomerwa mhosva yekusaita basa ravo nemazvo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reAnti-Corruption Trust of Southern Africa, VaAlois Munyaradzi Chaumba, vanoti nyaya dzekusabata mari zvakanaka dziri kuramba dzichiitika mumasangano emunyika dzinouraya tarisiro yeveruzhinji, avo vanotarisira kwaari kuti avabatsire mukuchengetedzwa kwekodzero dzavo.

VaChaumba vanoti huwori mumashandisirwo emari mumasangano aya hunopedzawo simba reavo vanoapa mari kuti arwire kodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG