Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Yokurudzira Zimbabwe Kubvisa Mutongo weRufu


Vice President-Elect Emmerson Mnangagwa, widely expected to succeed President Mugabe as Zimbabwe's next leader. (Collage by Ntungamili Nkomo)
Vice President-Elect Emmerson Mnangagwa, widely expected to succeed President Mugabe as Zimbabwe's next leader. (Collage by Ntungamili Nkomo)

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reAmnesty International, raparura gwaro rinoratidza mamiriro emutongo werufu pasi rese, richiti Zimbabwe imwe yenyika nhatu dzekuchamhembe kweAfrica dziri pamberi mukutongera vanhu rufu.

Gwaro iri rinoratidza kuti vanhu vakatongerwa rufu gore ra2016 vakawanda kudarika mamwe makore apfuura, asi huwandu hwevanhu vakaurayiwa mugore iri, hwakaderera.

Gwaro iri rinotiwo muSouthern Africa, nyika nhatu, Malawi, Zambia neZimbabwe ndidzo dziri pamberi mushure mutongera rufu vanhu zana negumi.

Mukuru we Amnesty International muZimbabwe, VaCousin Zilala, vati kunyange hazvo Zimbabwe isina munhu akaurayiwa gore rapera, pane vanhu vasere vakatongerwa rufu.

VaZilala vati zvinosuwisa muSub Saharan Africa ndezvekuti kunyange hazvo huwandu hwevari kuurayiwa huri kudzikira,huwandu hwevanhu vari kutongerwa rufu huri kukwirira.

Mutauriri weAmnesty International kuchamhembe kweAfrica, VaRobert Shivambu, vakurudzira Zimbabwe kuti ibvise zvachose mutongo werufu.

MuZimbabwe mutemo unobvumidza mutongo werufu kuvanhurume vane makore anodarika makumi maviri nerimwe, kusvika pamakore asingapfuuri makumi manomwe. Asi mutemo uyu haubate vanhukadzi.

Zimbabwe yakapedzisira kuuraya vasungwa vakatongerwa rufu muna 2005.

Pari zvino Zimbabwe ine vanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe vakatongerwa rufu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG