Accessibility links

Breaking News

Kusvika muAmerica kweVanhu Vatema Vakange Vapambwa Muna 1619 Kunocherechedzewa


Nhepfenyuro yeVoice of America yakaita neChina hurukuro pamwe nechikoro chepamusoro soro, che Norfolk University mudunhu re Virginia.

Hurukuro idzi dzakanangana nekucherechedza kusvitsa makore mazana mana kubva musi wakatanga kusvika mu America vanhu vakanga vapambwa mu Africa muna Nyamavhuvhu 1619.

Mugore iri, chikepe chainzi White Lion chakasvika pamahombekombe e Chesapeake Bay, ndokumira pa Point Comfort, umo chakaburutsa vanhu vatema makumi maviri.

Kusvika kwevanhu vatema ava makore mazana mana apfuura, kwakava kwekutanga kwenhapwa dzaiuyiswa ku America.

Kubva gore iroro, kutengeswa kwevanhu vatema vachiitwa varanda kwakaenderera mberi.

Muhurukuro dzaitwa nenyanzvi dzinobva muzvikoro zvepamusoro soro mu America yose, pakataurwa pamusoro pekusvika kwenhapwa mu America, gakava riripo pamusoro pekuita mumwe munhu muranda, pamwe nekunzwisisa zvinoreva huranda.

Vakataura vese vakaratidza kubvumirana kuti vanhu vatema mu America vanofanirwa kubhadharwa kutapwa nekushandiswa zvina mubairo kwavakaitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG