Accessibility links

Breaking News

Chirwere che ‘Coronavirus' Chirikupararira mu America.


Paramende yeAmerica
Paramende yeAmerica

Chirwere che ‘coronavirus’, kana kuti covid-19 chirikuramba chichipararira mu America. Nhasi, matunhu makumi maviri emu America, azivisa kuti chirwere ichi chawonekwa mumatunhu avo.

Parizvino vanhu gumi nevaviri vafa nechirwere ichi mu America, vamwe vanopfuura mazana maviri vachinzi vanacho uye vari kurapwa.

Dunhu reMarlyland, iro rakabatana neguta guru reWashington D.C. razivisavo kuti pane vanhu vatatu vawanikwa vaine chirwere ichi munzvimbo yeMontgomery County inoganhurana neWashington D.C.

Pasi pose, chirwere ichi chauraya vanhu vanoita zviuru zvitatu nemazana matatu ane makumi masere nevashanu (3,385).

Nyanzvi munezvehutano, Dr Frenk Guni, vanoti paramende ye America yabvuma kushandiswa kwemari inopfuura mabhirioni masere emadhora mukurwisana nechirwere ichi mu America.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG