Mhuri yemuAmerica iri kucherechedza zuva remagamba, reVeterans Day, apo nyika iyi inoremekedza pamwe nekurangarira magamba akarwa muhondo dzakasiyanasiyana ari pasi pemauto enyika iyi.
Mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, vari kuNew York, uko kuri kuitwa mhemberero huru, uye vaisawo maruva muMadison Square kuremekedza vakarwa hondo ava.
Zuva remagamba iri rinocherechedzwa musi wa11 Mbudzi gore roga-roga zvizvarwa zvenyika iyi zvichitenda magamba anodarika mamiriyoni gumi nemapfumbamwe akarwa muhondo dzakasiyanasiyana nenzira dzakasiyanasiyana.
Pazuva iri vamwe vezvitoro vanoderedza mitengo yezvinhu zvavo kana vachitengesera vakarwa hondo kana vakamboshanda muchiuto, vamwewo vezvitoro vachicherechedza kusanganisira vachiri muchiuto.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muno muAmerica, Doctor Wangu Mazodze, avo vanoongorora zvematongerwo enyika, vanoti nyika yeAmerica inokoshesa magamba ayo zvakanyanya zvichienzaniswa neZimbabwe.
Doctor Mazodze vanoti musiyano mukuru uri pakuti kuZimbabwe vakarwa hondo yerusununguko vakaiswa muhapwa dzevezvematongerwo enyika zvekuti vave kushandiswa nevemapato ezvematongerwo enyika, asi ukatarisa muAmerica, vakarwa hondo vese vanomirira nyika, kwete mapato ezvematongerwo enyika.
Facebook Forum