Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica, VaTrump, Vokurudzira Kubatana kweVanhu veNyika Yavo


Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump vachipa mashoko avo eState of The Union.
Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump vachipa mashoko avo eState of The Union.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vatura mashoko kunyika yavo epiri vave mutungamiri wenyika, kana kuti 2nd State of The Union, vari pamberi penhengo dzematare eseneti neparamende yepasi muWashington DC, vachiti vachikurudzira kubatana nekushanda pamwe kwemapato ezvematongerwo enyika.

Vachichingamidza nhengo dzeparamende, mudzimai wavo, pamwe nezvizvarwa zveAmerica zvose, VaTrump vati apo vari kutanga paramende itsva, ivo vakazvipira kushanda nevamwe kuti vakunde vachimirira zvizvarwa zveAmerica zvose.

“Mamiriyoni evanhu vemuAmerica ari kutiona iye zvino, takaungana muno mudare, vachishuvira kuti tinotonga kwete semapato maviri ezvematongerwo enyika, asi senyika imwechete,” vaTrump vadaro.

VaTrump vati mashoko avo haana kunangana nekuendesa mberi zvido zvebato reRepublican Party kana Democratic Party, asi kuti mashoko evana veAmerica.

Vati senyika vanofanirwa kuramba zvematongerwo enyika zvekudzoserana, voshandisa mikana inounzwa nekushanda pamwe, nechinhu chimwe chakanaka chavanoshuvira.

“Pamwechete tinodimura kusawirirana mune zvematongerwo enyika kwaitika kwemakore akawanda. Tinokwanisa kubatanidza kusawirirana kwekare, kupodza maronda ekare, tovaka kubatana kutsva, pamwe nekugadzira remangwana reAmerica rine tarisiro yakanaka. Idanho ratinokanisa kutora tose tiri pamwechete.”

Mutungamiri weAmerica atiwo mukati memakore maviri kubva paasarudzwa, hurumende yake yafamba nekukasika zvisati zvamboitika mukugadzirisa matambudziko asiiwa nevatungamiri vemapato ose kwemakore akawanda.

“Takwanisa kuwanisa mabasa matsva anosvika mamiriyoni mashanu nemazana matatu ezviuru (5.3 million), nekuwedzera mabasa ezvigadzirwa mazana matanhatu ezviuru, chinhu chisati chainzi nemunhu wese hachikwanisike, asi zviripo ndezvekuti tiri kutotanga. Mihoro iri kukwira nechimbichimbi zvisati zvaitika kwemakore.”

Vatiwo madzimai akawanda akwanisa kuwana mabasa kudarika kare.

“Takwanisa kuburitsa shanduko munyaya dzemhando dzemoto muAmerica, America yave ndiyo iri pamusoro mukuwanikwa kwemafuta negasi mupasi rose. Mihoro inotambirwa nevanhu iri kukwira zvinofadza. Hupfumi hweAmerica huri kukwira zvisati zvamboitika kubva pandapinda muhofisi.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Panyaya yemudhuri, VaTrump vati paramende ine mazuva gumi asara ekuti ipasise bhiri rinowanisa mari kuhurumende yavo, kuchengetedza nyika, uye kudzivirira muganhu wenyika wekuchamhembe.

“Iye zvino yave nguva yeparamende yekuratidza pasi rose kuti America yakazvipira kupedza kupinda kwevanhu munyika zviri kunze kwemutemo uye kuburitsa mubhizinesi vanoyambutsa vanhu ava miganho, vanotengesa zvinodhaka, nevanofambisa vanhu zviri kunze kwemutemo.

Manheru ano ndiri kukukumbirai kuti mudzivirire muganho wedu wekuchamhembe unotyisa uyu kuburikidza nerudo rwevanhu vedu nenyika yedu.”

Vati midhuri inoshanda uye inochengetedza hupenyu, vakakurudzira kushanda pamwechete, kuteererana nekuwirirana zvinozoita kuti America ichengetedzeke zvechokwadi, vachiti ibasa revanhu vose rekugadzira nzira yekupinda kwevanhu munyika inochengetedza hupenyu nemabasa ezvizvarwa zvavo.

“Kubvumidza kupinda kwevanhu munyika zvisiri pamutemo hadzisi tsiye nyoro, hutsinye. Mudzimai mumwechete pamadzimai matatu anobatwa chibharo murwendo rwakareba rwekumaodzanyemba. Vanopinza vanhu zviri kunze kwemutemo vanoshandisa vana vadiki vanenge vachipinda muno kutyora mitemo vachipinda munyika medu.”

VaTrump vati vave kuita kuti zvive pachena kunyika yeChina kuti mushure memakore ichinangana nemaindasitiri avo, uye kuba njere dzekugadzira zvinhu, kuba mabasa eAmerica nehupfumi hwayo zvinofanirwa kupera.

Asi vachipindura mashoko aVaTrump aya vakamirira bato reDemocratic Party, nhengo yebato iri Amai Stacey Abrams vekuGeorgia vati vanhu vemuAmerica vari kushupika zvakanyanya pasi pehurumende iripo iyi.

Vati vashandi vakawanda vari kurarama nemihoro yemwedzi nemwedzi, nekuda kwekuoma kwehupenyu.

Amai Abrams vatiwo kumbovharwa kwemamwe mapazi ehurumende kwakakonzerwa naVaTrump.

“Kuvharwa uku kwakakonzerwa nemutungamiri weAmerica, chiitiko chakarasa kwete vanhu vedu chete, asi nezvatinokoshesa senyika.”

Amai Abrams ndivo mudzimai wechitema wekutanga munhoroondo yeAmerica kupindura mashoko emutungamiri wenyika, uye mumwe wevatema vashomashoma vati vaita izvi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachiita zvidzidzo zvepamusoro paHoward University, VaCalvin Manduna vanoti hapana zvitsva zvataurwa naVaTrump zvavanofunga kuti zvingaita kuti mhuri yeAmerica Ive nemaonero matsva.

VaTrump vakavimbisa kuti kana vakasawirirana panyaya yekuvakwa kwemudhuri panopera zuva musi wa15 Kukadzi.

VaTrump vaifanirwa kupa mashoko avo aya kumhuri yeAmerica svondo rapera musi wa 29 Ndira, asi vakatadziswa nemakakatanwa aivepo pakati pavo nebato rinopikisa reDemocratic Party, ayo akasvitsa pakuvharisa mamwe mapazi ehurumende kwemazuva makumi matatu nemashanu.

VaTrump vari kuda kuti vapiwe mari yekuwakisa mudhuri kumuganho wenyika yavo neMexico, asi veDemocratic party vachitungamirirwa nemutauriri weparamende Amai Nancy Pelosi vari kuramba kuti mari iri kudiwa naVaTrump iyi iiswe mubhajeti renyika, iro rinozopasiswa nemutungamiri wenyika.

Nhengo dzebato rinopikisa reDemocratic Party dzechidzimai dzanga dzakapfeka mbatya chena, idzo dzaishandiswa semucherechedzo wekurwira kodzero yekuvhota kwemadzimai.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG