Accessibility links

Breaking News

America Inoshora Masoja neMapurisa Akarova Uye Kukuvadza Vanhu Vairatidzira


Brian Nichols US Ambassador To Harare In Masvingo
Brian Nichols US Ambassador To Harare In Masvingo

Hurumende yeAmerica yashora mauto nemapurisa nekushandisa chisimba chakanyanya pavanhu vairatidzira kusafara nekukwira kwemutengo wemafuta emotokari.

America inoti mapurisa nemauto vanifanira kuita basa ravo nehunyanzvi vachiremekedzwao kudzero dzeveruzhinji.

Muzinda weAmerica waburitsa mashoko neChina uchiti America haisi kufara sezvo mapurisa nemauto ari kurova pamwe nekushungurdza vatungamiri vemasangano anomirira vashandi munyika pamwe nevemapato anopikisa.

Muzinda uyu watiwo unoshushikana nemhirizhonga yange iri kuitika munyika kubvira nemusi weMuvhuro uye wakurudzirawo vese vane chekuita nenyaya iyi kuti vagadzirise zviri kunetsa murunyararo.

America inoti vanhu vane kodzero yekuratidzira murunyararo uye mhirizhonga haina zvainobatsira sezvo ichitowedzera matambudziko munyaya dzehupfumi.

America yashorawo kuvharwa kwemadandemutande akaita seWhatsApp, Twitter neFacebook ikakurudzira kuti hurumende ivhure madandemutande aya nekukasika sezvo kuvhara madandemutande aya kuchityora bumbiro remitemo yeZimbabwe pamwe nezvimwe zvibvumirano zvakasainwa nehurumende yeZimbabwe.

Mauto nemapurisa akashandisa pfuti, hutsi hunokachidza nezvimwe apo airwisana nevanhu vairatidzira mumaguta akwanda munyika uye pane vanhu vane chitsama vakatofa muchiitiko icho.

Zvichakadai, nyanzvi dzinoti kubuda nehuwandu kwakaita vanhu varatidzira pamwe nevakatadza kuenda mumabasa kunoratidza kuti munyika mune dambudziko guru rinofanira kugadziriswa nehurumende.

VaTjenesani Ntungakwa vesangano reRevolutionary Research Institute vaudza Studio 7 kuti kubuda nehuwandu kwemauto nemapurisa kunoratidza kuti hurongwa hwakadaidzirwa neZimbabwe Congress of Trade Unions hwakabudirira.

Vatiwo chinodiwa pari zvino kuti hurumende igadzirise zvichemo zvevanhu kwete kutsvaga kuti ndiani akaronga kuratidzira uku.

Murairidzi wezvidzidzo zvekutapwa kwenhau pachikoro cheHarare Polytechnic, VaAlexander Rusero, vati hurumende inofanira kuterera nekugadzirisa zvichemo zvevanhu.

Vati matambudziko munyaya dzehupfumi acharamba arimo kudzamara vanhu vemuZimbabwe vaisa musoro pamwe chete vachigadzirisa matambudziko aya.

Sangano reZimbabwe Congress of Trades Union rakaronga kuramwa mabasa uku mushure mekunge mutungamiriri wenyika vakwidza mutengo wemafuta emotokari zvakapetwa kaviri.

Mitengo yezvimwe zvinhu iri kukwirawo zuva nezuva izvo zvave kuomera vakawanda munyika.

Hatina kukwanisa kubata veZCTU kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Vashandi vehurumende vakatozivisawo kuti vachatanga kuramwa mabasa svondo rinouya kana hurumende ikasawedzera mihoro iyo vanoti haichina chaichatenga sezvo mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG