Accessibility links

Breaking News

America Yoenderera Mberi neZvirango Zvayakatemerwa Zimbabwe


Trump
Trump

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanoti vari kuwedzera negore rimwe chete zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muZimbabwe pasi pemutemo weNational Emergencies Act.

Zvirango izvi zvakatanga kutemerwa vakuru vakuru vemuZimbabwe musi Kurume 6, 2003, pachishandiswa Executive Order 13288, iyo yakasainwa nevaimbove mutungamiri weAmerica, VaGeorge Bush.

Mutemo weInternational Emergency Economic Powers Act unoshandiswa mukubata hupfumi hwevanhu vanenge vakatemerwa zvirango uho hunopfuura nemuAmerica, kana nyika dzinodyidzana nehurumende yaVaTrump.

Vakatemerwa zvirango neAmerica vanhu vari muhurumende yeZanu PF, pamwe nevanodyidzana nehurumende iyi, kusanganisirawo makambani avo.

America inoti inoshandisa mutemo uyu senzira yekuranga vose vanoonekwa sevanhu vanombunyikidza hutongo hwejechetere.

America inoti yakatora matanho aya sezvo maitiro evanhu vari pari pazvirango aya achivhiringa kushanda zvakanaka kwemitemo, kukonzerwa kwemhirizhonga, uye kusagadzikana kwenyika iri kuchamhembe kweAfrica iyi.

Musi wa Mbudzi 22, 2005, mutungamiri weAmerica akawedzera zvakare negore rimwe chete zvirango izvi kuvakuru vakuru muhurumende yeZimbabwe pamwe nevanhu nemakambani anodyidzana nehurumende yeZanu PF.

Mutemo uyo unomisa kupfuura kwehupfumi hwevanhu ava muAmerica, uye kubata mari dzavo dzinenge dzazivikanwa.

Musi wa 25 Chikunguru 2008, mutungamiri weAmerica akawedzera zvakare zvirango izvi pasi peExecutive Order 13288, ndokuwedzera huwandu hwevanhu vaionekwa kuti vari kumbunyikidza hutongo hwejechetere muZimbabwe.

“Maitiro pamwe negwara revanhu vari pazvirango anoenderera mberi mukuvhiringa gwara reAmerica pazvinhu zvinoitika kunze kwenyika iyi. Nepamusana paizvozvo, matanho akatorwa musi wa Kurume 6, 2003, uye mirawu yakagadzwa musi Mbudzi 22, 2005, uye nemusi wa Chikunguru 23, 2008, kuti zvishandiswe pazvirango zvakatemerwa vanhu vemuZimbabwe, zvichaenderera mberi kwerimwe gore kubva musi wa Kurume 6, 2018,” vadaro vaTrump.

“Nokudaro, pachitevedzerwa chikamu chemutemo we National Emergencies Act (50 U.S.C 1622 (d), ndiri kuwedzera negore zvirango zviri pasi peExecutive Order 13288,” vadaro VaTrump.

Gwaro raVaTrump richaburitswa mugwaro re Federal Register zviri pamutemo, uye kuendeswa kudare reparamende yemuAmerica.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG