Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica VaTrump Vanoshanya kuBritain


Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump nemudzimai vavo, Amai Melania Trump vaina Mambokadzi Elizabeth wekuBritain.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump nemudzimai vavo, Amai Melania Trump vaina Mambokadzi Elizabeth wekuBritain.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump vakasvika kuBritain neMuvhuro murwendo rwavo rwemazuva maviri, rwunosanganisira kusangana nemhuri yehumabo, mabiko uye hurukuro nemutungamiri wehurumende vave kusiya basa, Amai Theresa May.

VaTrump, avo vari kuperekedzwa nemudzimai wavo, Amai Melania pamwe nevana vavo, vakasvika kumuzinda weBuckingham Palace, uko vakatambirwa naMambokadzi Elizabeth.

Vasati vasimuka kubva pamuzinda wavo weWhite House, VaTrump vakati vanofunga kuti rwendo rwavo rwuchanakidza zvikuru uye vanofunga kuti America neBritain dzine mukana wekuumba kudyidza kukuru munyaya dzekutengeserana mune remangwana.

Asi kushanya kwavo kunonzi hakusi kutambirwawo nevamwe muBritain, avo vari kuvapomera mhosva yekupindira munyana dzezvematongerwo enyika eBritain zvichitevera kuratidza pachena kwavo kuti vanotsigira mutungamiri webato rinopikisa re Labour Party, VaJeremy Corbyn kuti vatungamire nyika iyi kana Amai May vasiya chigaro mwedzi uno.

Hukama hwaVaTrump naAmai May hwakagarawo husina kusimba, zvichitevera kusaremekedza kwavanonzi nevamwe vaiita Amai May.

Rwendo rwaVaTrump rwunouyawo panguva iyo Britain isina kugadzikana mune zvematongerwo enyika zvichitevera danho rayo rekuda kubuda mumubatanidzwa weEuropean Union.

VaTrump vagara vakatobuda pachena kuti vanotsigira zvakare vaimbove gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muBritain, VaBoris Johnson.

Chizvarwa cheZimbabwe vari mutungamiri wesanga reZimbabwe Diaspora for Democracy, VaCharles Mutama, vanoti vanoona rwendo rwaVaTrump urwu rwakakosha zvikuru sezvo ivo VaTrump vari kutsigira kubuda kweBritain mumubatanidzwa weEuropean Union, kana kuBrexit.

VaMutama vanoti izvi zvakanakira VaTrump nekuti America inenge yave kungonangana neBritain munyaya dzekutengeserana kana dzekubatsirana mudzihondo, kwete kumboenda nekumubatanidzwa.

Hurukuro naVaCharles Mutama
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG