Accessibility links

Breaking News

Vadzidzisi Vanoramba Mari Yavapamidzirwa neHurumende Vachiti Ishoma


VaObert Masaraure

Sangano rinomiririra vadzidzisi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti harisi kutambira mari yemuhoro yapamidzirwa vadzidzisi nehurumende.

Mushure memusangano wakaitwa nemusi weChina pakati pehurumende nesangano rinomiririra vanoishandira, reAPEX, hurumende yati kubva muna Chikunguru ichapamidzira vadzidzisi mari inoita zvikamu gumi nezvinomwe nechikamu kubva muzana, 17.5%.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vati vadzidzisi vanoda kutu mari yavanotambira ipetwe kaviri, vachiti nhengo dzesangano ravo dzicharamba dzichiratidzira uye kupfeka mbatya tsvuku Chishanu chega chega dzichienda kumahofisi ehurumende ezvedzidzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG