Accessibility links

Breaking News

Vadzidzisi Vanoti Zvimhingamupini Hazvivatadzisi Kupedza Rwendo Rwavo


Vadzidzisi vesangano reARTUZ vachitaura nevanhu muNyazura vachipfuura kuenda kuHarare netsoka.
Vadzidzisi vesangano reARTUZ vachitaura nevanhu muNyazura vachipfuura kuenda kuHarare netsoka.

Vadzidzisi vesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, vapinda muzuva reChina vachifamba netsoka kubva kwaMutare vachienda kuHarare chinangwa chavo chiri chekunosvitsa zvichemo zvavo kuhurumende.

Varairidzi ava vanoti kunyange hazvo vari kusangana nezvimhingamupini murwendo rwavo, havasi kuzodzokera shure nekufora kwavo.

Kufamba netsoka uku kwakatanga kwaMutare nemusi weSvondo wapfuura.

Mutevedzeri wemutungamiri we ARTUZ, Amai Gaundencia Mandiopera, vaudza Studio 7 kuti vadzidzisi ava vari kusangana nematambudziko ezvehutano, zvinosanganisira maronda pasi petsoka, kurwadza kwetsinga dzemakumbo, pamwe chete nehutano hwemadzimai avari kufamba navo.

Amai Mandiopera vati vasvika nhasi muHeadlands umo vacharara vachizorora, vozosimudzira rwendo rwavo mangwana kwachena.

“Kunetseka kwatasangana nako kushoma zvako nekuti vamwe vadzidzisi vatange tichifamba navo vakakuvara vachiita maronda pasi petsoka nekurwadza netsinga, kana kuti cramps,” Amai Mandiopera vaudza Studio 7.

“Chimwe chirikuita sekunetsa zvinhu zvinoshandiswa pahutsanana hwevechidzimai. Zvisinei, vanenge vabatikana tinoti vapinde mumota vachinotimirira mberi vambozorora. Asi tinotenda zvikuru nerutsigiro rwatiri kupiwa nevanhu munzira neavo vanogara padyo nemugwagwa watiri kufamba tiri.”

Vadzidzisi ava vanotarisira kusvika kuHarare ne musi weChitatu, 19 Zvita apo vachazoda kusangana negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG