Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vanoudzwa neANC Kuti Vasiye Chigaro cheMutungamiri weSouth Africa


VaJacob Zuma

Bato riri kutonga muSouth Africa, reAfrican National Congress, ANC, razivisa mutungamiri wenyika, VaJacob Zuma, kuti vadaidzwa kuti vadzoke kubato, kuitira kuti vabve pachigaro chemutungamiri wenyika.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau pamuzinda webato ravo muJohannesburg, munyori mukuru weANC, VaAce Magatshule, vati VaZuma vapihwa kusvika Chitatu kuti vatsanangure mafungiro avo maererano nedanho ratorwa nebato ravo rekuti vadzoke kubato.

Mukuru wesangano reZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vanoti VaZuma vari kubviswa panyanga nekuda kwehuori pamwe nekusvibisa zita renyika nereANC

Asi munyori mukuru webato rinopikisa reUnited Democracy Movement, VaAndrew Nyathi, vanoti kunyange VaZuma vakasiya basa nguva ipi zvayo, hakuna zvazvinoreva kuZimbabwe.

Mashoko avo atsigirwa nenhengo yebato rinopikisa reZAPU muSouth Africa, iyo yaramba kudomwa nezita.

Nhengo iyi inoti hapana nyika inosungirwa kupindira mune zvematongerwo edzimwe nyika naizvozvo Zimabwe haina kodzero yekupindira mune zviri kuitika muSouth Africa.

ANC inoti kana VaZuma vachinge vasiya chigaro, mutevedzeri wavo, VaCyril Ramaphosa, ndivo vachafanobata nyanga kusvikira sarudzo yemutungamiri wenyika yaitwa gore rinouya.

Zvaitwa kuna VaZuma zvakaitikawo kuna VaThabo Mbeki avo vakadzorwa kubato apo vaive mutungamiri wenyika muna Gunyana 2008.

Asi VaMbeki havana kuita nharo sedziri kuitwa naVaZuma.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinoti zvinotarisira kuti VaRamaphosa vachaita kuti South Africa irambe ichidyidzana nedzimwe nyika, kusanganisira Zimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG