Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobvumidza Kutengwa kweZvinhu Kunze kweNyika


Shop Closures Bulawayo
Shop Closures Bulawayo

Hurumende yambomisa mutemo unorambidza kupinda munyika kwezvimwe zvinhu uye inoti makambani nevanhuwo zvavo vave kubvumidzwa kutenga zvinhu zvange zvichirambidzwa kupinda munyika zvakaita semafuta ekubikisa nekuzora, floor nezvimwe.

Vachitaura pamusangano wavanoita nevatori venhau mushure medare remakurukota svondo rega rega, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati hurumende yatora danho iri nechinangwa chekuda kuona kuti vanhu vawana chikafu pamwe nekugara zvakanaka pamwe nekutenga zvinhu nemutengo uri pasi.

Amai Mutsvangwa izvi hazvirevi kuti hurumende haichatsigira makambani emunhu uye vati izvi zvicharamba zviripo kudzamara zvinhu zvagadzikana munyika.

Zvimwe zvezvinhu zvave kukwanisa kutengwa kubva kunze kwenyika ndezvinoti, bhinzi, fotireza, mabhara, mishonga yekurimisa, mazenge, ice cream, jam, dovi, shuga, mushonga wekuporisha shangu, pamwe nesipo.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vati chinangwa chavo ndechekuti zvinhu zviwande muzvitoro kuitira kuti mitengo yezvinhu idzike.

Vati danho iri rakananganawo nekugadzirisa kusamira zvakanaka mumaindasitiri nemabhizimisi umo mitengo yezvinhu iri kukwira zuva nezuva.

Vanongoorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio7 kut danho ratorwa nehurumende richagadzirisa nyaya yemitengo munyika.

Asi mutungamiri wesangano rinomirira maindasitiri, reConferderation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo danho ratorwa nehurumende richikwanisa kuti zvinhiu zviwande munyika, mitengo yezvinhu haisi kuzodzikira.

Vatiwo mitengo yezvinhu ichatokwira zvakanyanya sezvo vanhu nemakambani vachatsvaga mari yekunotenga kunze pamusika mutema izvo zvinozoitawo kuti vatengese zvinhu zvavo nemitengo iri pamusoro soro.

VaJabangwe vati zviri nani kuti hurumende irambe ichitsigira makambani emuno nemari.

Vati hurumende yakaderedza huwandu hwemari yekunze hwainopa kumakambani muna Nyamavhuvhu izvo zvakatanga kukonzera kushomeka pamwe nekukwira kwemitengo yezvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG