Accessibility links

Breaking News

Bulawayo Yoita Dzinde reChirwere cheCovid-19


Guta reBulawayo riri kuramba richiona huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nechirwere cheCovid-19 pazuva.

Pavanhu gumi nevanomwe vakabatwa vaine chirwere ichi neChitatu, gumi nemumwe vavo vanhu vari vemuBulawayo, uye vanhu vaviri vakashaya nechirwere ichi nezuro wakare, ndeve muguta iri zvakare.

Kubva musi weMuvhuro svondo rino, vanhu gumi nemumwe vemudunhu iri vakawanikwa vaine chirwere ichi, uye vanhu vaviri vakafa, kuchitiwo zvakare nemusi weChipiri, vanhu gumi vemuguta iri vakawanikwa vaine chirwere ichi, munhu mumwe chete akafa.

Izvi zvave kureva kuti kubva Muvhuro kusvika nezuro Chitatu, vanhu makumi matatu nevaviri vabatwa neCovid-19 muBulawayo, uye vamwe vashanu vashaya.

Nyanzvi mune zvehutano vari chiremba, Doctor Edgar Munatsi, vanoti hurumende inofanirwa kukasika kutora matanho ekutevera vangadai vakasangana nevari kuwanikwa vaine chirwere ichi kana kufa nacho, senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana kubva mudunhu iri, uyewo kuona kuti dunhu iri ratarwa senzvimbo inganzi rave dzinde redenda kana kuti hot spot, pari zvino.

Ngatinzweyi hurukuro yavaita naJonga Kandemiiri weStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG