Accessibility links

Breaking News

Dunhu reMatabeleland Rovhiringwa Zvakanyanya neChirwere cheCovid-19


Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 mudunhu reBulawayo huri kuramba huchiwedzera, panguva iyo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi mudunhu iri pamwe neMatabeleland North huri kuramba huchikwira zvichitevera kufa kwevanhu vaviri nezuro kuBulawayo.

Izvi zvinonzi neimwe nyanzvi mune zvehutano, Doctor Gilson Mandigo, zvinofanirwa kupa kuti hurumende iwedzere basa rayo rekuvheneka vanhu pamwe nekutora matanho nekukasika ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi kuti chisaenda kune mamwe matunhu.

Pahuwandu hwevanhu vakawanikwa vaine chirwere ichi neChipiri hwakaziviswa nebazi rezvehutano vanosvika makumi mana nevasere, gumi nevatatu vavo vari muBulawayo, kuchitiwo gumi nevatanhatu vari kuMatabeleland North.

Vana vanosvika zana vanonzi vakabatwa nechirwere cheCovid-19 paJohnTallach High School iyo iri kuNtabazinduna pedyo neguta reBulawayo mudunhu reMatabeleland North.

Chikoro ichi chinonzi chakavharwa svondo rapera.

Vanhu vanosvika zviuru zvisere nemazana mapfumbamwe nemakumi mana nevashanu, kana kuti 8,945, vabatwa nechirwere ichi munyika yose, icho chasiya vanhu vafa kusvika pari zvino vave mazana maviri nemakumi mashanu nevapfumbamwe, zvichitevera kufa kwevanhu vaviri neChipiri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG