Accessibility links

Breaking News

Chikopokopo cheAir Force of Zimbabwe Chadonhera kuActurus Chikauraya Vanhu Vana


Chikopokopo cheAir Force of Zimbabwe chadonhera kuActurus chinonzi chauraya vanhu vana nekukuvadza vamwe vaviri.
Chikopokopo cheAir Force of Zimbabwe chadonhera kuActurus chinonzi chauraya vanhu vana nekukuvadza vamwe vaviri.

Chikopokopo cheAir Force of Zimbabwe cherudzi rweAgusta Bell 412 (AB 412) chasimuka kubva kuManyame Air Force Base chadonhera munharaunda inogara veruzhinji yeHukuru Area kuActurus.

Mashoko aburitswa neAir Force of Zimbabwe anoti chikopokopo ichi chadonhera pane imwe imba chikauraya vatyairi vaviri nemumwe mushandi anga arimo, pamwe nemumwe mwana anga ari pasi.

Tsaona iyi yakuvadzawo mumwe mwanasikana nevamwe amai avo vanonzi vamhanyiswa kuchipatara kunorapwa rutsva.

Chikopokopo ichi chinonzi chasimuka paManyame Air Force Base chiine vanhu vatatu vanga vachiita zvidzidzo zvavo munharaunda yeSeke/Domboshava.

Mumashoko avo zvichitevera tsaona iyi, mukuru weAir Force of Zimbabwe, Air Marshal Elson Moyo, vati vane hurombo zvikuru nekurasikirwa nehupenyu uye kukuvara kwevanhu, vachiti vane mhuri dzashaikirwa pamwe nevakuvara mumwoyo mavo.

Chakonzera tsaona iyi changa chisati chaziviswa panguva iyo taenda pamhepo pamwe nekuburitsa nyaya ino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG