Sangano reNational Aids Council rinoti kushaya simba kwemari yemunyika yeRTGS zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica kwakaderedza zvakanyanya mari yarinowana kubva kumutero weAids levy.
Vakafanobata chigaro chemukuru wesangano iri, VaRaymond Yekeye, vanoti mitero vazhinji vevanobhadhara mari dzeAids levy vave kubhadharwa nemaRTGS, sezvo iri iyo mari yave kunyanya kuwanikwa munyika.
Sangano iri rinotiwo apo dhora remunyika rakanga richakaenzana nedhora rekuAmerica, raive nemamiriyoni makumi maviri nematatu emadhora muhomwe yaro.
Asi kubva pakapesaniswa huremu hwemari mbiri idzi, rakarasikirwa nemari yakawanda kwazvo sezvo rakazosara rave nemadhora mamiriyoni mashanu ema RTGS.
VaYekeye vanoti kushaikwa kwemari yekunze kuri kukanganisawo hurongwa hwavo hwekutenga mishonga yemaARV yekuti vakwanise kupa vanhu miriyoni nemazana maviri ezviuru vari kunzwa mishonga iyi.
Asi vanoti vari kubatsirwa zvakanyanya nemasangano akaita sePepfar neGlobal Fund, ayo ari kuvawatengera mishonga.
VaYekeye vanoti vanotarisira kuti mitero yeAids levy inenge yobhadharwa zvakare nemari yekuAmerica, sezvo vamwe vatanga kubhadhara kana kutengesa zvinhu nemari iyi zvakare.
Facebook Forum