Accessibility links

Breaking News

Chirwere che Avian Flu Chotadzisa Vanopfuya Huku Kupinda muHarare Agricultural Show


Chirwere che avian flu chakabata rimwe purazi iri pedyo neHarare zvaita kuti varimi vehuku varambidzwa kuratidza huku dzavo
Chirwere che avian flu chakabata rimwe purazi iri pedyo neHarare zvaita kuti varimi vehuku varambidzwa kuratidza huku dzavo

Zviratidzwa zveHarare Agricultural Show zvatanga muHarare nemusi weMuvhuro vanoronga showa iyi, veZimbabwe Agricultural Society, vachiti zvinhu zviri kufamba zvakanaka kunyange hazvo varimi vehuku nezvihuta vasina kubvumidzwa kurataridzira gore rino nekuda kwechirwere cheAvian Flu.

Chirwere ichi chakabata huku dzawanda pane rimwe purazi riri pedyo neHarare.

Mutevedzeri wemutungamiriri weZimbabwe Agricultural Society, VaIrvin Craig, vakaudza Studio 7 kuti pane vamwe varimi vezvipfuyo vasina kufara nekushaiswa mukana pashow yegore rino asi vati danho rakatorwa rakanaka chose kudzivirira kupararira kwechirwere cheAvian Flu.

Vati showa yegore rino ishowa yaitwa zvichitevera mwaka wakanaka uye makambani abuda nehuwandu hwawo kuzoratidzira uye vanofungawo kuti varimi vachakwanisa kutenga zvekushandisa kana vachinge vabhadharwa mushure mekutengesa zvirimwa zvavo.

Vatiwo zvinofadza kuti muzuva rekutanga kweshowa iyi vaona kuti vamwe varimi vave kutogadzirira zvemwaka unotevera.

Mumwe mudzimai ati anonzi Amai Mandaza avo vange vachiratidza nekutengesa miriwo nezvimwe zvirimwa kekutanga paHarare Agricultural Show vaudza Studio 7 kuti vanofara chose kunge vari pachiitiko ichi.

Mumwe mushandi wepapurazi reTaguta rekuChinhoyi uyo aramba kutaura zita rake atiwo vanotarisira kutora mibayiro yakawanda muzvikamu zvezvipfuyo nechibage sezvavakaita gore rapfuura.

Vanoronga showa iyi vanotiwo pachange paine mibayiro yakawanda inosanganisira matarakita nemari uye vanotarisira vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi mashanu ezviuru kupinda muzviratidzwa izvi, izvo zvinopera neMugovera.

Mutauriri weZAS Muzvare Roberta Katunga atiwo kunze kwezvekurima gore rino makambani ezvicherwa ari kuratidzirawo paHarare Agricultural Show.

Pari kuitwawo misangano yakawanda yevemabhizimisi, mabhanga nenyanzvi dzekurima yakanangana nekusimudzira mabasa ekurima munyika.

Harare Agricultural Show ndiro gungano guru revarimi nemakambani munyika uye rinopa mukana kuvarimi vanobva mumatunhu ese kuzoratidzira.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG