Rimwe sangano rinomirira vashandi vari pasi pebazi rezvekurima, vanosanganisira madhumeni, reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association, rinoti dzimwe nhengo dzaro hadzisati dzawana mari dzekubatsirika munguva yeCovid-19 dzakanzi dzipiwe vashandi vehurumende.
Munyori mukuru wesangano iri, VaZivaishe Zhou, vanoti nemusi wa 28 Ndira gore rino, vakanyorera kugurukota rezvevashandi nemabasa Muzvinafundo Paul Mavima, vachivakumbira kuti vapindire munyaya iyi kuti vavabatsire.
VaZhou vanoti mari dzisati dzatambirwa nenhengo dzavo ndedzemwedzi mitatu inoti Kurume, Kubvumbi naChivabvu, idzo vanoti kana dzakazonzi dzave kuzopiwavashandi vasati vadziwana dzinogona kunge dzisisina huremu hwadzaive nahwo pakabhadharwa vamwe vashandi gore rapera.
Studio 7 yabata Professor Mavima, avo vabvuma kuti vakatambira tsamba yesangano iri, asi vati ivo vakaipfuudza mberi kubazi rePublic Service Commission, iro ravanoti rakazoendesawo mberi kubazi rezvemari.
Vamwewo vashandi vemamwe mapazi ehurumende kusanganisira varairidzi vanonzi havasati vawanawo mari dzekubatsirikana idzi.
Asi VaZhou vanoti ivo sevashandi vachakangomirira mhinduro yehurumende kubva paenda tsamba yavo.
Facebook Forum