Accessibility links

Breaking News

Ongororo Inoti VaMugabe Vanodiwa neVanhu Yokonzera Mutauro


VaRobert Mugabe.
VaRobert Mugabe.

Ongororo yakaitwa neMass Public Opinion, kana kuti MPOI, ichibatsirana nemamwe masangano akaita seAfrobarometer, yakaburitsa kuti vanhu vemuZimbabwe vane chivimbo zvikuru nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yakonzera mutauro wakanyanya munyika.

Zvimwe zvakabuda muongororo iyi zvichabuditswa nemusi weChitatu. Vatsigiri veZanu-PF vanoti ongororo iyi inoratidza zvavagara vachitaura kare kuti VaMugabe vanodiwa nevanhu.

Asi vanopikisa vanoti ongororo iyi yakareva nepasipo.

Ongororo iyi inoti vanhu vemuZimbabwe vane chivimbo chakanyanya nevakuru vemachechi uye masangano akazvimirira oga.

Vanhu makumi matanhatu nevana kubva muzana vanonzi vane chivimbo naVaMugabe asi vanhu makumi mashanu nevatanhatu vachiti vane chivimbo nebato reZanu-PF.

Vanhu makumi mashanu kubva muzana vanonzi vane chivimbo neZimbabwe Electoral Commission sangano rinoona nezvesarudzo munyika. Vanhu zvikamu makumi matatu nezvitanhatu kubva muzana vanonzi vane chivimbo nevanopikisa.

Vanotungamira ongororo musangano reMPOI, VaStephen Ndoma, vanoti vakabvunza vanhu vanodarika churu nemazana maviri.

Hurukuro naVaStephen Ndoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti ongororo dzakadai dzinonetsa sezvo muZimbabwe musina kugadzikana nekuti vanhu vanotya.

Hurukuro naDoctor Pedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG