Accessibility links

Breaking News

Zvisungo zveAfrican Union Hazvibate Zimbabwe


Kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZimbabwe, musangano we African Union wakapera svondo rino usina kumbokurukura pamusoro peZimbabwe.
Kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZimbabwe, musangano we African Union wakapera svondo rino usina kumbokurukura pamusoro peZimbabwe.

Musangano weAfrican Union wakapera neMuvhuro kuAddis Ababa pasina kutaurwa kana shoko rimwe chete zvaro pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe.

Gwaro reAfrican Union, AU, iro rakaburitswa pakupera kwemusangano wevatungamiri venyika dzemuAfrica, rine zvisungo zvinoratidza kuti Zimbabwe haina kutaurwa nezvayo kunyange hazvo nzvimbo zhinji dzine mhirizhonga muAfrica, dzakaita se Libya, Somalia, Democratic Republic of Congo, Central African Republic nedzimwe, dzakakurukurwa nezvadzo AU ikabuda nezvisungo zvekudzibatsira kupedza kusagadzikana kuri munyika idzi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti AU inomirira kunzwa zvinotaurwa neSADC nguva dzose saka AU haina zvizhinji zvainogona kuita pasina kubvumirana neSADC.

Muzvinafundo vepaUniversity of Pretoria School of Public Management and Administration kuSouth Africa, VaTyanai Masiya, vaudza Studio7 kuti vatungamiriri vemuAfrica havadi kuonekwa sevanotsigira mapato anopikisa muZimbabwe nekuti vanotya kukurudzira mapato anopikisa munyika dzavo.

VaMasiya vanotiwo nyika zhinji muAfrica dzinoona sekunge Zimbabwe iri kudzvanyirirwa nenyika dzekumadokero uye vatungamiriri vazhinji muAfrica vanoda kutsigirana senzira yekuchengetedza zvigaro zvavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG