Musangano wevatungamiri venyika dzemu Africa, weAfrican Union wechimakumi matatu nembiri watanga muguta guru reEthiopia reAdis Ababa mutungamiri nyika VaEmmerson Mnangagwa vachipindawo mumusangano uyu.
Nyaya yemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe inonzi ndeyimwe yenyaya dzichakurukurwa nezvadzo pamusangano uyu, kusanganisirawo mamiriro ezvinhu muD-R-C nemuSudan.
Mutungamiri weRwanda VaPaul Kagame, avo vanga vari sachigaro weAfrica Union, vasvitsa chigaro ici kumutungamiri weEgypt, VaFattah Al Sisi, avo vave sachigaroi wesangano iri mutsva.
South Africa inonzi ndiyo ichange yave sachigaro wesangano iri muna 2020. NeMugovera vatungamiri venyika dziri musangano reSADC vakasanganawo parutivi pemusangano uyu, apo VaMnangagwa vanonzi vakapira kuvatungamiri ava mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.
Hurumende yaVaMnangagwa inonzi iri kupomera bato rinopikisa reMDC pamwe nemasangano akazvimirira mhosva yekukonzera mhirizhonga yakasiya vanhu vanodarika gumi nevashanu vafa.
Asi nyanzvi mune zvematongerwo uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga vanoti zvaive zvakanaka kuti masangano maviri aya anzwe kubva kumapoka ose ane chekuita nenyaya yematambudziko emuZimbabwe iyi.
VaMavhinga vanoti zvakakosha kuti vanzwewo kubva kuvanhu vakaita semutungamiri weMDC Vanelson Chamisa pamwe nevemasangano akazvimirira, kwete kungonzwa divi rehurumende chete.
Facebook Forum