Accessibility links

Breaking News

African Union Inocheredza Makore Makumi Mashanu neMashanu Yaumbwa


Muimbi wekuAmerica Akon aine mumiriri weAfrican Union kuAmerica, Dr Arikana Chihombori -Quao
Muimbi wekuAmerica Akon aine mumiriri weAfrican Union kuAmerica, Dr Arikana Chihombori -Quao

Apo sangano reAfrican Union riri kucherechedza makore makumi mashanu nemashanu kubva parakaumbwa musi wa 25 Chivabvu 1963, paine shanduko huru yaitikawo muAfrica.

Chinangwa chikuru chesangano iri, iro raizivikanwa seOrganisation of African Unity, kana kuti O-A-U parakaumbwa, chaive chekurwira rusununguko rwenyika dzakawanda dzemuAfrica dzakanga dzichiri pasi pehutongi hwevapambepfumi.

Iye zvino nyika makumi mashanu neina dzave kuzvitonga muAfrica.

Vamiriri venyika dzakasiyanasiyana muAmerica pamwe nevamwe vanyarikani vakaungana muWashington D.C. manheru emusi weChina kuzocherechedza pamwe nekupemberera zuva iri.

Mumiriri weAfrican Union muAmerica, Ambassador Dr. Arikana Chihombori-Quao, vanoti kunyange hazvo nyika dzemuAfrica dzasununguka, Africa ichiri kutambura kuti isvike pakuzvimirira nekuda kwekudzvanyirirwa kwayakanga yakaitwa kwekore akawanda.

Asi vanoti pane zvimwewo zvakanaka zvaitika mukati memakore adarika, zvinosanganisira zvibvumirano zvekutengeserana, uye kufamba kwevanhu kwakasununguka munyika dzemuAfrica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sangano reHeal Zimbabwe Trust roti rinobatana nedzimwe nyika dzemuAfrica mukupemberera zuva reAfrica Day.

Mutauriri we Heal Zimbabwe Trust, VaRawlings Magede vanoti mukucherechedza zuva reAfrica Day, vanokurudzira hurumende kuti izvipire kuvimbisa nyika kuti ichaita sarudzo dzakachena, dzisina mhirizhonga nebopoto.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG