Accessibility links

Breaking News

African Union Inoumba Musika Wekutengeserana Unonzi Ndiwo Mukuru Pasi Pose


Eunice Chipachini

Mubatanidzwa wenyika dzemu Africa, African Union, neSvondo wakaparura chibvumirano chezvekutengeserana kwenyika dzemu Africa chinonzi African Continental Free Trade Area (ACfTA).

Chibvumirano ichi chakasainwa nenyika makumi mashanu neina pakaumbwa musika wekutengeserana unonzi mukuru kupfuura imwe yese pasi pose.

Chibvumirano ichi chakatora makore gumi nemanomwe ehurukuro.

Dzimwe nyanzvi munezvehupfumi dzinoti kana chibvumirano ichi chikabudirira chichasimudzira hupfumi hwenyika idzi nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana, kana kuti 60%.

Asi nyanzvi idzi dzinobvumavo kuti Africa inezvipingamupini zvakawanda zvinogona kukanganisa mashandiro emusika uyu.

Nyanzvi idzi dzinoti zvimwe zvingakanganisa ACfTA zvinosanganisira kushaikwa kwenjanji nemigwagwa uye migwagwa isingavimbike, kurwisana uye huori munyika idzi.

Asi vanodzidzisa zvehupfumi pa Oxford Spires Academy kuOxfordshire, ku United Kingdom, Muzvare Eunice Chipachini, vaudza Studio 7 kuti ACfTA iyi chinhu chikuru muAfrica vachiti vanovimba kuti chichabatwa zvakanaka kuti nyika dzese dzive nezvadzinowana pasi pechibvumirano ichi.

Vati zvimwe zvinofanirwa kuchenjererwa ndezvekuti nyika dzagara dziine hupfumi kupfuura dzimwe, dzakaita se Nigeria ne South Africa, nedzimwe, handidzo dzega dzichabatsirwa nechibvumirano ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG