Accessibility links

Breaking News

Veku Africa Vanotsvaka Hupoteri MuAmerica Vavekuwanda Kumuganhu weMexico neAmerica


Vanhu vekuAfrica vanotsvaka hupoteri vave kubva nekuBrazil vakananga kuAmerica
Vanhu vekuAfrica vanotsvaka hupoteri vave kubva nekuBrazil vakananga kuAmerica

Mazana nemazana evanhu vanobva ku Africa vachiedza kupinda muAmerica vave kuonekwavo pamuganhu weAmerica ne Mexico.

Bazi rinoona nezvekuchengetedzwa gwemiganhu, re US Customs and Border Protection Agency, rati musvondo rekutanga remwedzi uno, vanhu vanobva kuAfrica vakasungwa pamuganhu weAmerica ne Mexico vanopfuura mazana mashanu.

Vapoteri ava vanonzi varikubva ku Democtratic Republic of Congo, Angola, Republic of Congo nedzimwe nyika dzemu Africa.

US Customs and Border Protection Agency inoti varikunetseka nevapoteri vanobva kuAfrica pamusoro pendimi dzavanotaura, vachiti vamwe, vakaita seavo vanobva kunyika mbiri dzeCongo, vanongotaura chiFrench, ukuvo vanobva ku Angola vachingonzwa Chiputukezi.

Vanodzidzisa zvekudyidzana kwenyika paCalifornia State University kuChico, Doctor Angela Gapa, vaudza Studio 7 kuti vanhu pasi pese vanotsvaka kwavangararama murugare nekwavanokwanisa kuriritira mhuri dzavo, naizvozvo vanhu vanotsvaka hupoteri kunyika dzakabudirira vacharamba vachiwanda.

Doctor Gapa vati hazvisati zvaoneka kuti veku Africa vanotsvaka hupoteri vanofamba sei pakubira gungwa reAtlantic kusvika kuBrazil, uko vanozobva vachienda ku United States.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG