Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weSouth Africa VaJacob Zuma Votarisirwa Munyika neChina Mangwanani


Mutungamiri weSouth Africa VaJacob Zuma naVaRobert Mugabe
Mutungamiri weSouth Africa VaJacob Zuma naVaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa vaJacob Zuma vari kutarisirwa munyika nemusi weChina kuti vaite musangano wekudyidzana pakati penyika yavo neZimbabwe nemutungamiri wenyika vaRobert Mugabe.

Makurukota enyika mbiri idzi nemusi weChitatu akaswera ari mumusangano kugadzirira musangano pakati paVaMugabe naVaZuma uri kuitwa mangwana.

Mukuru muhofisi yaVaZuma Dr Bongani Gqulunga vaudza Studio 7 VaZuma vachapinda muZimbabwe nemusi weChina mangwanani.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vesangano re Crisis Coalition of Zimbabwe vanoti misangano yakadayi yakakosha zvikuru sezvo ichipa mukana wekuti nyika mbiri idzi dzizeye pamusoro pekudyidzana kwavo.

“Kunyangwe zvazvo misangano iyi yakakosha shuwiro yedu ndeyekuti vatungamiri ava vazeye nyaya dzematambudziko ari kutarisana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa umo mapepa avapapihwa ekugara munyika iyi achasvika kumagumo gore rinouya asi parizvino hapasati pave nehwaro hwekuti vanhu ava vachaitwa seyi,” VaMabenge vaudza Studio 7.

VaMabenge vanoti pari zvino South Africa ndiyo iri kuwana zvizhinji kubva kuZimbabwe sezvo zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zvichitenga zvinhu munyika iyi asi hapana bhizimisi rakakura riri kuitwa nenyika yeSouth Africa.

VaMabenge vanoti zvinoshamisa kuti kushanya uku kuri kuitwa panguva apo VaMugabe vakasayina murawo wekuti mabond notes ashandiswe munyika.

"Hatizive kuti izvi zvichabatsira here nekuti vekunze vanoda kuita mabhizimisi munyika vanoda kuziva kuti vachakwanisa kubuditsa mari dzavo seyi, pamwe tichanzwa kuti nyaya iyi vachaizeya sei," Vanodaro VaMabenge.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG