Accessibility links

Breaking News

Sangano reWomen Of Dominion Rofadzwa neRutsigirwo rwaVakawana Kubva Kune Zvizvarwa ZveZimbabwe Zviri muAmerica


Women of Dominion
Women of Dominion

Sangano reWomen Of Dominion iro rinove mubatanidzwa wemadzamai anobva kumakereke akasiya siyana muAmerica rinoti riri kufara nerutsigiro rwarakawana kubva kune zvizvarwa zveZimbabwe zvakauya kumabiko arakaita neMugovera muMaryland.

Sangano iri rinoti rakakwanisa kuwunganidza mari ine chitsama kuti rikwanise kuita mubatanidzwa waro muna Chikumi.

Vachitaura pamabiko aya mumwe wevabati vehomwe mugungano iri Amai Thamary Pfinhayi vanoti vakafadzwa nerutsigiro rwavakawana kubva kune mamwe madzimai nemhuri dzakabva mudunhu ravo nekune mamwe matunhu muAmerica.

Chiitiko ichi chaive nemhuri dzakabva kuPennyslvani ne vamwe vakabva kuNew York vachibatana nezvizvarwa zveZimbabwe zvinobva muMaryland, Virginia neWashington DC.

Mumwe wemadzimai vakabva kuNew York kuzotsigira chiitiko ichi Amai Purity Mabhodoko vanoti zvakakosha kuti vanhu vabatane nekutsigirana panyaya yakakosha yakaita semagungano eWomen Of Dominion.

Amai Purity Mabhodoko
Amai Purity Mabhodoko

​Mumwe wevakaronga hurongwa uhu Muzvare Fredah Chanakira vanoti shuwiro yavo yekuti madzimai aite mushandirapamwe ichizadziswa.

Vanoti vari kutarisira kuti musangano we Women Of Dominion wegore rino uchabudirira zvine mutsindo sezvo vave nemari inokodzera kuti vakoke munyarikani anobva kuZimbabwe.

Vachitaura pachiitiko ichi mumwe wekomiti yeWomen Of Dominion Amai Portia Kandemiri vakatenda zvizvarwa zveZimbabwe zvakapa mibairo yekuti vakauya pamabiko aya vahwinhe.

Vanoti vamwe vakatadza kuuya vaitumira mari iyo ichabatsira zvikuru. Vamwe vanyarikani vaive pamabiko aya vanosanganisira vafundisi vanobva kumakereke akasiyana siyana.

Basa rekutenda vainge vauya kumabiko aya rakaitwa naamai Cassandra Guni avo vakati huwandu hwevanhu vakauya pagungano iri hunoratidza kubatana kwemhuri yeZimbabwe iri muAmerica.

Mubatanidzwa weWomen Of Dominion wakatangwa naAmai Marvellous Ndlovu uye unoitwa gore rega rega mumatunhu akasiyana siyana muAmerica.

​Gore rino uchange uchiitirwa muMaryland muna Chikumi uye uchange uchikokerwa negungano remadzimai rino zivikanwa nekuti Love Sisters.

Madzimai anobva kunyika dzakasiyana siyana dzinosanganisira Zimbabwe vari kutarisirwa kunge vari pamgungano iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG