Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vofarira Mashoko aVaTrump Aikurudzira Runyararo neKubatana


State of Union
State of Union
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti zviri kufara nemashoko akataurwa nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, ayo vakataura pahurongwa hweState of The Union neChipiri manheru.

VaTrump, avo vakataura kechipiri muhurongwa uhu kubva zvavasarudzwa semutungamiri weAmerica muna 2016, vakakurudzira kubatana nekushanda pamwe chete kwemapato ezvematongerwo enyika.

Mutauriri wemutungamiri webato reMDC inotungamirwa naVa Nelson Chamisa, VaNkululeko Sibanda, vanoti mashoko akataurwa naVaTrump akange akanaka sezvo vaikurudzira kubatana kwemapato munyika yavo.

Kunyange hazvo vamwe vari kushora kushaikwa kwehwaro hweAmerica panyika dzemuAfrica, VaSibanda vanoti izvi hazvina kuva katyamadza sezvo VaTrump vane nguva yekuzotaura nezvenyika dzakaita seAfrica munguva inotevera.

Nhengo yeZanu PF mudunhu reEast Coast muAmerica, VaFrank Guni, vanoti Zimbabwe inokwanisa kudzidza zvakawanda kubva pamashoko aVaTrump aikurudzira kubatana nerunyararo munyika mavo.

VaGuni vanoti VaTrump vakaratidza kuti vanokoshesa kubudirira kwenyika yavo uye kuramba vachida kuzadzisa zvavakavimbisa vatsigiri vavo munguva yekutsvaga rutsigiro.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara mudunhu reWinsconsin, Amai Lucy Chikowero, vanoti vakafadzwa zvikuru nezvakataurwa naVaTrump pamusoro pematanho akatorwa nehurumende vavo mukusimudzira vanhukadzi.

Vazhinji vanoti VaTrump havana kukanganwa zvavakavimbisa vakavavhotera vachiti havasi kuzodzokera shure nekuvaka mudhuri pamuganhu weMexico neAmerica.

Nyaya yemudhuri uyu yakaita kuti mamwe mapazi ehurumende ambovharwa kwemazuva makumi matatu nemashanu, bato reDemocratic Party richiti harisi kuzoisa mari parutivi yekuti mudhuru uvakwe.

Ukuwo VaTrump, vachitsigirwa nebato ravo reRepublican Party, vakaramba vakatsikawo madziro vachiti vanoda kupihwa mari nedare reparamende kuitira kuti pavakwe mudhuri pamuganhu weAmerica neMexico.

Mudhuri uyu unoda mari inoita mabhiriyoni mashane nemazana matanhatu ezviuru zvemadhora.

Asi mutauriri weparamende, Amai Nancy Perosi, vebato reDemocratic Party, vakati havasi kuzopasisa muparamende bhajeti remari yekuvaka mudhuri.

Pakavhura mapazi ehurumende mushure mekuvharwa kwemazuva makumi matatu nemashanu, VaTrump vakati vakaita izvi senzira yekupa nhengo dzeparamende mukana wekutaurirana nyaya yebhajeti iyi.

VaTrump vakati kana bhajeti iri rikasapasiswa neparamende, vanogona zvakare kuti hurumende ivharwe, kana kushandisa masimba avo ekuti vawane mari yavari kuda.

Pari zvino hurumende ine mari inokwana kuti ishandise mumabasa ayo kusvika pakati pehusiku hwemusi waKukadzi 15, 2019.

Kana pasina kuwirirana pamari yemudhuri iri kudiwa naVaTrump, hurumende inogona kuvharwa zvakare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG