Accessibility links

Breaking News

America Yocherechedza Kusvika Makore Makumi Maviri Kubva Zvayakarwiswa neVanopfurikidza Mwero Muna 2001


America iri kucherechedza kusvika makore makumi maviri kubva zvayakarwiswa nevanopfurikidza mwero muna 2001.

Vanopfurikidza mwero ava vakapamba ndege ndokudzishandisa sezvombo kurwisa zvivakwa zvinoti; World Trade Center mu New York, muzinda we Pentagon mu Virginia ne Stonycreek mu Pennsylvania musi wa Gunyana 11, 2001, izvo zvakasiya vanhu vakawanda vafa.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vari kutarisirwa kushanyira nzvimbo nhatu idzi nemusi weMugovera, vachicherechedza zvakaitika muna 2001, izvo zvakapa kuti America ipinde muhondo yekuAfghanistan ichirwisa chikwata che Al-Qaida, icho chaitungamnirwa munguva iyi nemuchakabvu Osama Bin Laden.

Mumwe wevanhu vaiva mu America mushure mechiitiko ichi, Doctor Gadziro Gwekwerere, vanoti chironda chakasiyiwa nechiitiko ichi chichiri chiri chinyoro sezvo vanhu vakawanda vakarasikirwa nehupenyu hwavo.

Doctor Gadziro Gwekwerere
Doctor Gadziro Gwekwerere

Doctor Gwekwerere vanoti panosvika zuva iri gore rega rega, vanhu vazhinji vanofamba vakabatira hura mumaoko sezvo zvisiri nyore kurangarira zvakaitika musi uyu makore makumi maviri apfuura.

Doctor Gwekwerere, avo vanoshanda nebazi rezvedzidzo kuFlorida, asi vachigara muNew York, vanoti vanhu vakawanda muAmerica vanorangarira zuva iri nekushanyira nzvimbo dzakawirwa nenjodzi iyi muna Gunyana 2001.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG