Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 30, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 30, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu nemapurisa nemauto inotsviriridza muparamende pakati penhengo Zanu dzePF nedzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Zanu PF ichiti icharamba ichisunga vose vari kukonzeresa mhirizhonga.

Mumiriri weKuwadzana East muparamende, VaChalton Hwende, vanopotera kuNamibia vachityira hupenyu hwavo. VaHwende vakakumbira hurumende yeNamibia kuti ivachengetedze zvichitevera kwavanoti kuda kupambwa nevanhu vasiri kuzivikanwa kuti ndivanani kwakare kuNamibia.

Mapato madiki anosanganisira MDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, People’s Democratic Party inotungamirwa naAmai Lucia Matibenga, nemamwe anobuda nehurongwa hwekunoita nhaurirano nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, senzira yekugadzirisa mvongamupopoto iri munyika.

Murongi wemisangano muMDC inotungamirwa naVaChamisa, VaAmaos Chibaya, vanomiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yakagadzwa zviri pamutemo. VaChibaya vakasungwa zvakare nezuro mushure mekubvisiswa mari yechibatiso paimwe mhosva yavari kupomerwa.

Muchirongwa chinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa zviri kuitika kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kupotera kunze kwenyika zvichitiza mhirizhonga iri kuitika munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kutiza mhirizhonga iri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG